Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoramba Kuti VaMugabe Vari Kurwara


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)
Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Hurumende inoti hachisi chokwadi chiri kubuda mumapepanhau chekuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kurwara uye kuti vakambochengetedzwa muchipatara.

Izvi zvinotevera mashoko ari kubuda mumapepanhau anoti VaMugabe havasi kunzwa zvakanaka. Mashoko ari kubuda anoti VaMugabe vakatanga kurwara apo vainge vaenda kuzororo ku Malaysia, vakambogariswa muchipatara munyika iyi.

Zvinonziwo pavakadzokera kuZimbabwe svondo rapera, vakabatwa zvakare nehurwere, izvo zvakapa kuti vadzokere zvakare kunorapwa kuMalaysia.

Asi munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, Va George Charamba, vanoti VaMubage vari pazororo ravo, uye vachadzokera kubasa munguva pfupi inotevera.

Mutauriri weZANU-PF, Va Rugare Gumbo, vanoti kune vanhu vanoshivira kuti dai VaMugabe vafa. VaGumbo vanoti vanhu ivavo ndivo vanogara vachifambisa mashoko ekunyeba vachiti VaMugabe murwere.

Asi VaGumbo vabvuma kuti havasati vaona VaMugabe kudzoka kwavakaita kubva kuzororo.

VaMugabe vari kusvika makore makumi masere nemanomwe mwedzi unouya, uye bato ravo rakabuda nechisungo chekuti ndivo vachamirira Zanu PF musarudzo yemutungamiri wenyika.

VaMugabe vakasarudzwa kuva muntungamiri wenyika muna 1980 uye vave nemakore makumi matatu nerimwe vachitonga.

XS
SM
MD
LG