Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inopikisa Kuti Va Maguwu Vabviswe Muhusungwa


Izvi zvinotevera chikumbiro chakaitwa nemagweta aVa maguwu nezuro chekuti mhosva yavari kupomerwa iraswe

Hurumende inoti mutungamiri wesangano re Centre for Research and Development, Va Farai Maguwu, vanofanirwa kuramba vari muhusungwa sezvo mhosva yavari kupomerwa yakakurisa.

VaMaguwu vari kupomerwa mhosva yekubudisa gwaro rine manyepo panyaya yezviri kuitika kwaMarange kumangoda ekwaChiadzwa.

Mhinduro yehurumende yekuti VaMaguwu varambe vari muhusungwa inotevera chikumbiro chakaiswa mudare nemagweta aVaMaguwu neChipiri chekuti mhosva yavari kupomerwa iraswe.

Hurumende yati ichapa mutongo wayo neChina.

Vachitaura pamusoro pezvakaitwa nenhumwa yeKimberly Process kuZimbabwe, VaAbbey Chikane, avo vanonzi vakapa makurukoto ehurumende magwaro ari kunzi akakonzera kusungwa kwaVa Maguwu, Va Dewa Mavhinga, avo vanoshanda neCrisis in Zimbabwe Coalition ku South Africa, vanoti VaChikane havaifanirwa kupa hurumende mapepa aya.

XS
SM
MD
LG