Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoparura Chirongwa Chekubatsira Nherera Nevanoshupika


Mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora ndiyo iri kudiwa, asi pari zvino mari inosvika makumi mana nemashanu emamiriyoni emadhora ichashandiswa mumakore matatu ndiyo yakawanikwa

Hurumende yakaparura nezuro chirongwa chekubatsira nherera nevana vanoshupika munyika kuitira kuti vawane dzidzo, chikafu nezvimwe zvinodiwa mukurarama kwavo.

Chirongwa che National Action Plan (NAP) chiri kuitwa hurumende ichishanda nesangano re UNICEF, European Comimission, pamwe nenyika dzakaita se Netherlands, Sweden ne Britain.

Mari inosvika mamiriyoni makumi manomwe nemashanu emadhora ndiyo iri kudiwa, asi pari zvino mari inosvika makumi mana nemashanu emamiriyoni emadhora ichashandiswa mumakore matatu ndiyo yakawanikwa.

Mhuri zhinji dzichawana rubatsiro urwu dziri kutungamirirwa nevana vadiki vakasiiwa nevabereki vavo nekuda kwerufu uye vamwe vanoshupika mumaruwa.

Mhuri yoga yoga inenge ichiwana makumi maviri nemashanu emadhora pamwedzi. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru, pamwe nemutungamiriri we hurumende, Va Morgan Tsvangirai, vakapinda musangano wakaparura chirongwa ichi nezuro vese vachiti chichabatsira zvikuru vana vanoshupika munyika.

Amai Paurina Gwanyanya-Mpariwa ndivo gurukota rezvemabasa nekuchengetwa kwakanaka kwevanhu.

Mumiriri we UNICEF muZimbabwe Va Peter Salama vatiwo vacharamba vachiita zvose zvavanogona kuti chirongwa ichi chirambe chichidhonza kubatsira vana vanoshupika.

mukuru we christain care muzimbabwe, reverend forbes matong, vanoshanda vachibatsira vanoshupika. ngatinzweiwo hurukuro yavaita na sandra nyaira we studio seven.

XS
SM
MD
LG