Sangano revezvicherwa, reZimbabwe Miners Federation, kana kuti ZMF rinoti rakaita hurukuro nehurumende kuti vagari vekwa Marange vapiwe mvumo, kana kuti ma’claims’, ekuchera mangoda munharaunda yeMarange, kwaChiyadzwa.
Mutungamiri we ZFMF, Muzvare Henrietta Rushwaya, vakaudza rimwe bepanhau rezvemigodhi rekuCanada kuti hurumende yeZimbabwe ichapa vagari vekwaMarange ma’claims’ ekuti vachere mangoda munzvimbo iyi.
Studio 7 haina kukwanisa kubata gurukota rezvezvicherwa VaWinston Chitando kuti tinzwe kuti ichokwadi here kuti ndizvi zvavave kuronga.
Asi mutingamiriri wsangano reCenter for Natural Resources Governance, VaFarai Maguwu, vanoti havaoni izvi zvichiitika nekuti vachapiwa mvumo iyi vakuru vakuru mubato reZanu-PF chete sezvakaitika mune dzimwe nzvimbo muManicaland mukupihwa kwevanhu mvumo yekuchera zvicherwa zvakaita semangoda.
VaMaguwu vaudza Studio 7 kuti bazi rehurumende reZimbabwe Consolidation Diamond Company harisi pamurawo uye rizere vanhu vebato ririkutonga re Zanu PF. Vanoti vanhu ava vajaira tsika yekutora zvisiri zvavo. Hatina kukwanisa kubata Amai rushwaya kuti tinzwe zvizhinji.
Facebook Forum