Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoshandura Mutemo we Hupfumi kuVatema


Hurumende inonzi yakagadzirisa mutemo wezvekupa upfumi kuvatema, weIndigenisation and Economic Empowerment Act, kuitira kuti utambirwe nevemabhizimusi.

Gurukota rezvekupa upfumi kuvatema, VaSavior Kasukuwere, vakazivisa kuti pane shanduko dzakaitwa kumutemo uyu, idzo dzichaziviswa neChishanu mugwaro reGovernment Gazzette.

Zvinonzi zvimwe zvezvinhu zvakagadziriswa zvinosanganisira kupa mamwe masheya kuvashandi kuitira kuti zvikamu zvinotorwa nehurumende zviderere, uye mabasa ebudiriro anenge achiitwa nekambani munharaunda ayo anotariswawo kuitira kudzikisa zvikamu zvinotorwa nehurumende.

Zvinonzi pachaumbwa makomiti masere achatarisisa kuti zvikamu zvichatorerwa makambani zvakamira sei, izvo zvinozosvitsa ongororo yazvo kugurukota rezvekupa upfumi kuvatema mukati memwedzi mitatu.

Hurumende yakanga ichida kuti makambani ekunze ape zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana kuvatema, senzira yekuvasimudzira, izvo zvakakonzera mutauro mukuru.

Mutungamiri weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vaudza Studio 7 kuti vanozofara chete kana vaona zvichaburitswa muGovernment Gazzettee neChishanu.

XS
SM
MD
LG