Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira hurumende kuti ikasarovanisa misoro nevashandi nevashandirwi, Zimbabwe ichadzokera kumakore ekuma 2007 uko mitengo yezvinhu yaikwira katatu pazuva.
Nemusi weMuvhuro, Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstats yakazivisa kuti inflation yemunyika yakwira kusvika pazvikamu makumi matatu nechiga chimwe kubva muzana kana kuti 31.01% kubva pazvikamu makumi maviri nezviga makumi masere nemashanu kubva muzana kana kuti 20,85%.
Aka ndekekutanga mitengo yezvinhu ichikwira zvakadai mukati memakore gumi.
Zimstats inoti mitengo yezvinhu zvakaita sechingwa, zvinwiwa nehembe ndizvo zvapa kuti mitengo yezvinhu ikwire.
Kukwira kwemitengo uku kuri kupesana zvikuru nemashoko egurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, avo vainge vati inflation mukupera kwegore yaizopera iri pazvikamu makumi maviri nemashanu kubva muzana kana kuti 25%.
Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi muAmerica ichidzidzisa paJohns Hopkins University, Muzvinafundo Steve Hanke, vanoti inflation yemuZimbabwe yakatodarika zana kare kare uye yananga kumakore ekuma2008 apo vanhu vakaomerwa nehupenyu zvisina mukare akamboona.
Vaimbova gurukota rezvemari, Doctorr Simba Makoni, vanoti zvainge zviri pachena kuti inflation ichakwira zvakanyanya nenyaya yemashandisirwo ari kuitwa mari munyika zvikuru kuda kuenzanisa dhora rekuAmerica nemari yemaRTGS nemabond.
Mashoko aya anotsinhirwao nenyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Dr Godfrey Kanyenze.
Munyori mukuru musangano reZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vashandi vakaomerwa zvakanyanya sezvo zvinhu zvaramba zvichiita chamurambamhuru.
Ko zviri kunzi naVaNcube vakwanisa kuisa mari parutivi inosvika mamiriyoni makumi maviri nemapfumbamwe emadhora mukushanda kwavo?
Vachipindura, Dr Makoni vati chiri kunetsera hurumende inyaya yekungoita gudziramukanwa.
Kugadzirisa dambudziko iri, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kukurudzira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kuti vasiyane nemari dzebond notes nemaRTGs uye kumutsiridza nyaya dzekurima kuti nyika isarasikirwe nemari yekunze.
Vamwe vari kukurudzirawo kuti hurumende igadzirise hukama hwayo nedzimwe nyika kunyanya America nenyika dziri muEU kuti isabatwe seyakageza negoka munyama.
Facebook Forum