Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inonzi Haina Hurongwa hweKusendeka Mutemo Wekupa Upfumi kuVatema


Hurumende inonzi haina pfungwa yekumbosendeka parutivi mutemo wekupa upfumi kuvatema, weIndigenisation and Economic Empowerment Act, uyo unonzi uri kutyisidzira vekunze vanoda kuzovamba mabhizimusi munyika.

Gurukota rezvemaindasitiri, VaWelshman Ncube, vanonzi vakaudza bepanhau reNewsday kuti mutemo uyu uchambosendekwa kuitira kutsvaga nzira dzakasiya siyana dzekutarisa nadzo makambani anenge achitengeswa.

VaNcube vakaudza bepanhu iri kuti mutemo uyu unokwanisa kushanda zvakanaka kana upfumi hwenyika hwagadzikana. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna VaNcube.

Asi mutewedzeri wegurukota rezvevechidiki pamwe nezvekupa upfumi kuvatema, VaTongai Matutu, vaudza Studio 7 kuti hurumende ndiyo isiri kutewedzera mutemo uyu pairi kutengesa makambani ayo, sezvo iri kutengesa nezvikamu zvakasiyana siyana.

XS
SM
MD
LG