Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inomisa Paramende Kutanga Basa Rayo


Munyori wedare reparamende, VaAuastin Zvoma, vamisa neChipiri dare reHouse of Assembly kuita basa vachiti harikwanisi kushanda kana pasina mutauriri weparamende, kana kuti Speaker of Parliament.

Vati izvi zvinotevera mutongo wakapiwa nedare repamusoro soro wekurasa kusarudzwa kwakaitwa VaLovemore Moyo semutauriri wedare iri muna 2008.

VaZvoma vaudza vatori venhau kuti vachazivisa zuva rekuita sarudzo dzekutsvaga mutauriri weparamende mutsva.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika muhurumende vanoti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vabvumirana nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, kuti dare reparamende rigare nemusi weChipiri svondo rinouya. Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, kanawo mutauriri waVaMugabe, uye vari munyori webazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe kana chiri chokwadi kuti ndizvo zvichaitika.

Vachipindura mibvunzo kuvatori venhau, VaZvoma vatiwo havasi kuzotambira kurudziro yavakapihwa nemuchuchisi wenyika, VaJohannes Tomana, yekuti VaMoyo varemekedzwe senhengo yeparamende inomirira Matobo, uye kuti vavhote panenge pachiitwa sarudzo muparamende.

VaZvoma vati VaTomana vakangopawo pfungwa dzavo, asi havasi kudzitambira nokuti VaTomana, kunyange havo vari gweta guru rehuruimende, vanogara vakakundwa mumatare edzimhosva panyaya dzavanenge vachimirira hurumende.

Mashoko aVaZvoma ari kuonekwa nevezvematongerwo enyika sekutanga kwegakava muZanu PF pamusoro penyaya yemunhu achatsiva VaMoyo.

Nhengo dzeparamende kubva kumapato ese dzauya kudare sezvo dzange dzakatarisira kuzoita sarudzo dzekutsvaga mutauriri mutsva.

Vashandi veparamende havana kutombopinda mudare uye pamboita zhowezhowe asi nhengo dzedare iri dzazopararira pasina zvadzaita.Vatevedzeri vemutungamiriri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe naVaArthur Mutambarara pamwe nemakurukota mazhinji kubva kuMDC ange arimo mudare.

Munyori mukuru muMDC inotungamirirwa naVaTsvangirai, VaTendai Biti, vaudza vatori venhau kuti zvaitwa naVaZvoma zvinotyora mitemo yedare reparamende.

VaBiti vati VaZvoma havana simba rekutora danho ravatora uye komiti yeparamende ye Standing Rules and Orders, ndiyo chete inokwanisa kutora danho rakaita seiri.

Vati zviri pachena kuti VaZvoma vari kushandiswa neZanu PF kuita zvido zvayo. Vati vanozviziva kuti Zanu-PF yange isiri kuda sarudzo dzemutauriri weparamende nekuti pane kusawiririna pakati penhengo dzayo kuti ndiyani achamirira bato iri musarudzo iyi.

Dare reSupreme Court rakaisa parutivi kusarudzwa kwaVaMoyo mushure mekunge nhengo yedare iri inomirira Tsholotsho, VaJonathan Moyo, vachitsigirwa nenhengo nhatu dzeMDC yaitungamirwa naVaArthur Mutambara munguva iyoyi, VaMoses Mzila-Ndlovu, VaPatrick Dube naVaSiyabonga Ncube, vaenda kudare vachipikisa mafambisirwo akaitwa sarudzo iyi.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo, VaAlex Magaisa, avo vanodzidzisa paKent University kuBritain vanoti VaZvoma pamutemo vaita zvavanofanira kuita asi havafanire kuererekera kudivi rimwe chete pakuita basa ravo.

XS
SM
MD
LG