Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yokurukurwa neKomiti yeParamende Inoona Zvinoitika Kunze kweAmerica.


Mutungamiriri we nyika, Va Emmerson Mnangagwa, nemudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangagwa.
Mutungamiriri we nyika, Va Emmerson Mnangagwa, nemudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangagwa.

Zimbabwe iri kukurukurwa nezvayo nhasi mu Washington DC nekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwe America. Hurukuro iyi iri kutarisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvichitevera kubviswa pachigaro kwakaitwa Va Robert Mugabe gore rapera.

Zimbabwe yakakurukurwa nezvayo neChitatu mu Washington DC nekomiti yeparamende inoona nezvekunze kwe America.

Hurukuro iyi yaitarisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe zvichitevera kubviswa pachigaro kwakaitwa Va Robert Mugabe gore rapera.

Vakapa huchapupu vanosanganisira muzvinafundo wezvematongerwo enyika ku Amherst College ku Massachusetts, Doctor Chipo Dendere, Va Ben Freeth, Amai Elizabeth Lewis nevaimbove mumiririri we America ku Zimbabwe, Ambassador Charles Ray.

Sachigaro we MDC muAmerica, Va Den Moyo, vakataura pamusoro pekutyorwa kwekodzero mu yika vachiti ndiyo imwe yenhau yavanoshuvira kuti itaurwe nezvayo mumusangano uyu. Vakati havana chokwadi chekuti sarudzo dziri kuuya idzi dzinogona kuve dzakachena dzisina kushungurudzana nekuwrisana kwevanhu.

Vakabatawo nyaya yekuti hurumende yakatadza kuronga kuti zvizvarwa zve Zimbabwe zviri kuraramira kunze kwe nyika zvibvumidzwe kupindawo musarudzo dziri kwadzinogara chero hazvo vachibatsira nyika nekutumira hama neshamwari mari kumusha.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG