WASHINGTON DC —
Studio 7 yakabatana neMedia Centre nezuro yakaita hurukuro kuCrowne Plaza muHarare kuzeya mazuva zana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatora mhiko yekutungamira nyika.
Hurukuro iyi yaikokerwa naPraxedese Jeremiah weStudio 7 achibatsirwa nemunyori wemabhuku vari mudzidzisi Doctor Charlton Tsodzo.
Chirongwa ichi chiri kuenda kumatunhu akasiyana siyana veVOA Studio 7 neMedia Centre vachitaura nevanhuwo zvavo uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika.
Mukuru weMedia Centre VaEarnest Mudzengi vaudza Studio 7 kuti vanhu vakapinda muhurongwa uhu vakawana mukana wekutaura zviri kutsi kwemoyo wavo.
Kuzvika parizvino, Studio 7 yakwanisa kuita hurukuro kwaMutoko, Mashonaland East, uye kuChipinde, Manicaland.
Facebook Forum