Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva Choramba Chiine Zvinetswa


Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu kuitira kuti dzinge dziri mubumbiro idzva remitemo yenyika riri kuda kunyorwa nehurumende, VaDouglas Mwonzora, vanoti hurongwa uhu huri kufamba zvakanaka chose munyika, uye mamwe ematambudziko anga achikanganisa hurongwa uhu, agadziriswa.

VaMwonzora vanotiwo musangano wakakosha wekomiti inoona nezvekufamba kwechirongwa ichi, kana kuti Management Committee, uyo wanga uchifanirwa kuitwa neMuvhuro kuti vatarise zvimwe zvezvinetswa zviri kusanganikwa nazvo, wava kuzoitwa neChipiri.

Panyaya yekuti mashoko haasi kusvika kuvanhu zvakakwana, VaMwonzora vanoti vari kukurudzira mapato ezvematongerwo enyika kuti adzidzisewo nhengo dzawo.

Mubatanidzwa wemasangano ari kuongororo hurongwa uhu, ayo anoti Zimbabwe Election Support Network, Zimbabwe Lawyers for Human Rights, neZimbabwe Peace Project, unoti zvinhu hazvisi kufamba zvakanaka.


Ukuwo Director wesangano reCentre for Community Development in Zimbabwe, VaPhilip Pasirayi, vanoti sangano ravo riri kupawo dzidziso muvanhu kuburikidza nekushambadzira chirongwa ichi mumigwagwa, pamwe nemisangano nehutungamiri hwemumaruwa.

Hutungamiri uhu hunosanganisira madzishe, masabhuku, pamwe nemakanzura, kuitira kuti vanhu vazive nezvekodzero dzavo pakupa pfungwa dzavo.

Zvichakadaro, muGweru munonzi manga muine mutauro, asi mutungamiri wechirongwa ichi mudhunu reMidlands, VaAmos Chibaya, vanoti misangano yaitwa yaenderera mberi zvakanaka mudzimwe nzvimbo.

Kumatunhu eMatebeleland zvinonzi zvikwata zviri kutungamira hurongwa uhu zviri kushanda hazvo, kunyange zvimwe zvisina michina yekushandisa pabasa ravo.

Rimwe dambudziko rinonzi riri kusanganikwa naro mumatunhu aya kusashambadzwa zvakakwana kwechirongwa ichi kuvanhu.

Pasi pechibvumirano chekuvaka hurumende yemushandira pamwe, Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende yemushandira pamwe.

Chibvumirano chekuvaka hurumende iripo chinotiwo mushure mekunge bumbiro idzva ranyorwa, panofanirwa kuitwa referendamu yekubvunza kuti vanhu vanorambira here kana kuti kwete bumbiro rinenge ranyorwa.

XS
SM
MD
LG