Accessibility links

Breaking News

Kunyorwa kweBumbiro Idzva Kotarisirwa Kupera Muna Gumiguru


Map of Zimbabwe
Map of Zimbabwe

Komiti yeparamende iri kuona nezvekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika rinoti iri kutarisirwa kupeta nyaya yekunyorwa kwebumbiro iri muna Gumiguru. Izvi zvinotevera kuwana mari kwakaita komiti iyi kubva kuhurumende nesangano reUnited Nations Development Programme. Kana kunyorwa kwebumbiro idzva kwapera, hurumende ichaita referendamu yekunzwa zvinofungwa nevanhu pamusoro pemitemo mitsva iyi.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira kunyorwa kwebumbiro remitemo yenyika, VaPaul Mangwana, vanoti hurongwa hwereferendamu hunozopirwa kusangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Electoral Commission, iro rakamirira kugadzwa zviri pamutemo.

Mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira hurongwa uhu, VaDouglas Mwonzora, veMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai, vanotiwo zvizvarwa zvese zveZimbabwe zvinofanirwa kupiwa mukana wekupawo pfungwa dzazvo pahurongwa uhu, nokudaro vari kunze kwenyika vachange vachipihwawo mukana wekuisa pfungwa dzavo mukunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika.

Ukuwo, sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva remitemo yenyika, reNCA, rinoti richarwisa kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvisape pfungwa dzazvo pakunyorwa kwebumbiro iri, sezvo hurongwa uhu huri kutungamirirwa nehurumende.

NCA iri kutsigirwa nesangano revashandi reZCTU, pamwe nerevadzidzi reZINASU.

Mutauriri weNCA, VaMadock Chivasa, vanoti NCA ichange ichipindawo muvanhu ichiita misangano yekuti vanhu vakurudzire kuti paumbwe bumbiro rinobva muvanhu, kwete rinobva kuhurumende.

Mugore ra2000, sangano iri rakatungamirawo zvakare mukukurudzira vanhu kuti vasatambire Draft Constitution, richiti yakanga isina kubva muvanhu.

XS
SM
MD
LG