Accessibility links

Breaking News

Hurongwa hweKunyorwa kweBumbiro Idzva Hoparurwa neChitatu


Hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika huri kutarisirwa kuparurwa kuHarare International Conference Centre muHarare neChitatu.

Vatungamiri vatatu vemapato ari muhurumende yemutanidzwa, VaRobert Mugabe veZanu PF, VaMorgan Tsvangirai veMDC, pamwe naVaArthur Mutambara, vechimwe chikwata chidiki cheMDC, vari kutarisirwa kutaura pamusoro pehurongwa uhu.

Komiti yeparamende iri kutungamira hurongwa hwekunyorwa kwebumbiro idzva inoti inotarisira kuti vatungamiri ava vachakurudzira vatsigiri vavo kuti vasiyane nemhirizhonga. Komiti iyi inotiwo uyu ndiwo mukana mukuru wekuti vavimbise vana veZimbabwe kuti hurongwa uhu huchaitwa murunyararo, uye kuti pfungwa dzavo dzichatambirwa.

Mumwe wemasachigaro ekomiti iri kutungamira hurongwa uhu, VaDouglas Mwonzora, vaudza Studio7 kuti hurongwa uhu hunozotarisirwa kutanga kupinda muvanhu musi wa19 Chikumi.

Pane zvikwata makumi manomwe zvichapinda muvanhu zvichinzwa pfungwa dzavanhu.

Pasi pechibvumirano chekuvaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kunyora bumbiro idzva rinobva muvanhu. Kana bumbiro iri rikatambirwa nevanhu, rinobva raitwa mutemo chaiwo.

Zimbabwe inofanirwa kunge yava nebumbiro idzva mukati memwedzi gumi nemisere kubva pakagadzwa hurumende itsva iyi.

Zvichakadaro, sangano reZimbabwe Council of Churches rinoti riri kukurudzira vatungamiri vemapato ezvematongerwo enyika ari muhurumende kuti vaite misangano pamwe chete mumatunhu makuru ose gumi emunyika vachishoropodza mhirizhonga munguva yekunzwa pfungwa dzevanhu iyi.

Mutauriri we ZCC, Reverend Solomon Zwana, vaudza Studio7 kuti vachabatsirawo hurongwa uhu kuburikidza nerutsigiro, uye kuongorora kuti huri kufamba zvakanaka here.

XS
SM
MD
LG