Accessibility links

Breaking News

Hupfumi Hworamba Huchitatarika Asi Hurumende Ichiti Iri Kugadzirisa Zvinhu


VaMthuli Ncube, munyori mukuru mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanga naVaJohn Mangudya
VaMthuli Ncube, munyori mukuru mubazi rezvemari VaGeorge Guvamatanga naVaJohn Mangudya

Kunyange hazvo dhora rekuAmerica rakamboti dererei huremu zvichienzaniswa nemari yemunyika yemaRTGS, zvinhu zvichiri kuramba zvichidhura zvakanyanya.

Ko chii chiri kupa kuti zvidai, uye mari yeRTGS icharamba iine simba here?

Muzvinabhizimisi, uye vari nhengo yeZanu PF yakakwikwidza ikakundikana musarudzo yekutsvaga mumiriri weWarren Park muparamende, VaGilbert Muponda, vanoti zvichatora mavhiki angangosvika matanhatu kuti zvinhu zvigadzikane.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paNelson Mandela Metropolitan University, Muzvinafundo Gift Mugano, vanoti nedanho rekudzora dhora remunyika havaona hupfumi huchigadzikana.

Vanoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa dhora risati radzoka zvisingazope kuti hurumende irambe ichidhinda mari zvakazopa kuti dhora rishaye simba mumakore ekuma 2008.

Asi VaMuponda vanoti zvinhu zvakanaka kuti nyika ishandise dhora rayo kana ichida kubudirira.

Ko chii chaizvo chakapa kuti dhora rekuAmerica rimboshaya simba mazuva apera?

Muzvinafundo Mugano vanoti nyaya yebhanga guru renyika, reRserve Bank of Zimbabwe, RBZ, yekutora zvikwereti zvemakambani ndeimwe yakaita kuti izvi zviitike.

RBZ yakati yaizopa vemakambani mari yekuAmerica inosvika bhiriyoni imwe chete nezviuru mazana maviri pama RTGS yairi kutora.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaVictor Bhoroma, vanoti chiri kudererdza dhora rekuAmerica inyaya yekuti vanhu vari kuda kutanga vanzwisisa kuti zvichafamba sei.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti danho rakatorwa negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, zvichinzi zvichabatsira vashandi hazvisi kubatsira pari zvino.

Chimwe chizvarwa chenyika, uye vari gweta rinorwira kodzero dzevanhu, VaGodfrey Mupanga, vaendesa gurukota rinoona nezvemari nebhanga guru renyika kumatare vachivapomera mhosva yekudzika zvisiri pamutemo, mutemo unoshanda kwemwedzi mitanhatu kana kuti Statutory Instrument 142 yakarambidza kushandiswa kwemari dzekunze kwenyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG