Accessibility links

Breaking News

Hupfumi hweZimbabwe Hokura ne 7 % Gore Rino


Banga guru rinokweretesa nyika dzepasi rose, re World Bank, rinoti hupfumi hweZimbabwe huchakura nechikamu 7.1 percent gore rino, chinova chikamu chinodarika kukura kwehupfumi hwenyika dzose dziri kuchamhembe kweAfrica.

Mashoko aya ari mugwaro richangoparurwa neWorld Bank, rinotarisa mamiriro anenge akaita zvinhu munyaya dzehupfumi gore rino, kana kuti Global Economic Prospects Report for 2010.

Gwaro iri rinotsigira mashoko akaburitsva negurukota rezvemari, VaTendai Biti, apo vakaparura hurongwa hwemari ichashandiswa nehurumende gore rino.

Asi World Bank inoti muna 2011 hupfumi hweZimbabwe hucharamba huchikura, asi chikamu chacho chichadzika kubva pa 7.1% kusvika ku 6.3%.

Hupfumi hweSouth Africa, iyo inova nyika ine hupfumi hwakakura kudarika nyika dzese dzemuAfrica, hunonzi huchakura ne 2% chete gore rino. VaRejoyce Ngwenya vanoongorora zvehupfumi, uye vachishanda nesangano re Coalition for Markets and Liberal Solutions.

VaNgwenya vanoti havabvumirani nemashoko eWorld Bank ekuti hupfumi hweZimbabwe huchakura nezvikamu zvinodarika zvinomwe kubva muzana gore rino nekuti nyika yakatarisana nenzara, kushaikwa kwemagetsi, zvinhu zvavanoti zvakakosha pakukura kwehupfumi hwenyika.

XS
SM
MD
LG