Accessibility links

Breaking News

Nyika Inoshamiswa neHupfumi Hunonzi Huna VaChombo


Hupfumi hunonzi hune gurukota rezvematunhu nemaguta, Va Ignatius Chombo, huri kushamisa veruzhinji, zvichitevera mashoko ari kubuda kumatare edzimhosva. Izvi zvinotevera kukakavadzana kuri kuita VaChombo nemudzimai wavo, Marian, uyo ari kuda kuti dare ripe mutongo wekuti apihwe humwe hwehupfumi huna VaChombo, senzira yekucheka muchato wevaviri ava.

Mapepa ari kumatare edzimhosva anoratidza kuti VaChombo vane dzimba nemasitendi mumaguta, madhorobha, pamwe nedzimwe nzvimbo dzinosanganisira dzekumaruwa munyika yose, kubva kuChirundu kusvika kuChiredzi, kubva kwaMutare kusvika kuBulawayo.

Padzimotokari dzinonzi dzina VaChombo dzisina huwandu hwakadomwa mudare, mudzimai wavo, Marian, ari kuda kupihwa motokari gumi neshanu, idzo dzinosanganisira mabhenzi matatu, ma Toyota Land Cruiser mana, ma Nissan Wolf maviri, nebhazi rimwe chete. Mudzimai uyu ari kudawo zvakare masitendi emabhizinesi mana kuBanket, masitendi makumi maviri edzimba ku Borrowdale, masitendi emabhizinesi maviri kuChitungwiza, uye dzimba mbiri ku Victoria Falls.

Masitendi edzimba nemabhizinesi ari mumagwaro ari mudare redzimhosva anodarika zana. Pamusoro pezvo, mudzimai uyu anoti anoda kuti apihwe zvakare imba yeku Glen Lorne muHarare, imba yemu Greendale muHarare, imba yeku Mt Pleasant, imba yemu Alexandria Park muHarare, nedzimwe dzimba dziri muBulawayo.

Mudzimai uyu ari kudawo kupihwa mombe dziri pa Darton Farm, huku, nguruve, marhori matanhatu, imba yepapurazi iri. Vari kudawo kupihwa hupfumi mumakambani aVaChombo anoti Dickest, Hamdinger, Landberry pamwe ne Track In Security Company.

NeChina, mutongi wedare repamusoro, Justice George Chiweshe, vakati nyaya iyi ngaitongwe zvichitevera kutadza kuwirirana kwakaitika pakati paVaChombo nemudzimai wavo, kuti nyaya iyi igadziriswe kunze kwematare.

Bato reMDC rinoti VaChombo vanofanira kuongororwa nemapurisa nenyaya yehuori, sezvo hupfumi uhu vakahuwana mushure mekunge vadomwa naVa Mugabe kuva gurukota rezvematunhu nemaguta. MDC inotiwo hurumende inofanira kuongorora makurukota ose eZanu PF kuti paonekwe kuti havana kuita zvehuori here pakuwana hupfumi kwavanahwo.

Vakawanda munyika vanoti vari kukatyamadzwa kuti VaChombo vainge vawana hupfumi hwakawanda kudaro nguvai mumakore angongodarike gumi chete avange vapinda muhurumende.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti pasi peZanu-PF Leadership Code ya1984, vakuru muZanu-PF havatenderwi kuva nemba inodarika imwe chete kana kuva neminda inodarika mahekita makumi mashanu kana kuita zvikamu gumi nezvishanu kubva muzana mumakambani.

Kanzuru yeHarare yakamboridza huwi kuti VaChombo namuzvinabhizimisi VaPhilip Chiyangwa vainge vawana nzvimbo dzekuvakira mudhorobha reHarare nechikiribidi. Asi makanzura aiferefeta nyaya iyi ndiwo akaguma atotorwa nemapurisa achibvunzurudzwa achinzi aida kusvibisa vaviri ava.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe, Professor John Makumbe, vanoti kuti huori uhu huburitswe pachena panotofanira kuuya hurumende itsva

XS
SM
MD
LG