Accessibility links

Breaking News

Hupfu Hwowedzerwa Mutengo Mushure Mekukwira kweChingwa


Mutengo wechingwa wafuma wakakwira zvakanyanya uye mutengo wehupfu uri kutarisirwawo kuwedzerwa zvakanyanya zvapa kuti vakawanda vacheme cheme sezvo mihoro yavo isiri kuwedzerwa zviri kuenderana nekukwira kwemitengo yezvinhu.

Mutauriri weGrain Millers Association of Zimbabwe, GMAZ, VaGarikai Chaunza, vaudza Studio 7 kuti vakaisa chikumbiro neMuvhuro kugurukota rinoona nezvemaindasitiri, VaMangaliso Ndhlovu, vachivazivisa kuti vave kuwedzera mutengo we10 kg yeRoller meal nezvikamu zvinodarika makumi mashanu kubva muzana.

Hupfu hwatotanga kutengesa nemadhora gumi nemana kwete gumi rerimwe sezviri kutaurwa neGMAZ

Izvi zviri kuuya apo vanhu vakawanda vari kugunun’una nekukwira kwemutengo wechingwa kubva pamadhorammaviri nemakumi mashanu kana kuti RTGS 2.50 dollars kusvika pamadhora matatu nemakumi mashanu kana kuti 3.50 RTGS dollars.

Asi munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti kuti mushandi wepasi pasi kuti akwanise kurarama anoda mari inosvika mazana matanhatu emadhora ekuAmerica.

Kutanga neMuvhuro Hurumende yakawedzera zvishoma mari iri kutambirwa nevashandi vayo. Mushandi wepasi pasi ava kutambira madhora mazana matanhatu emadhora kana kuti 600RTGS.

Mutungamiri wesangano revarairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti mari yavakawedzerwa haikwane zvachose.

Zimbabwe National Statistics Agency kana kuti Zimstat inoti kukwira kwemutengo wezvinhu kana kuti inflation kwasvika pazvikamu makumi matanhatu nematanhatu nezviga zvisere kubva muzana kana kuti 66.8%.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaTendai Biti, vanoti zviri kuitika munongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka panyaya yemitengo.

Chiri kushamisawo nyanzvi munyaya dzezvehupfumi inyaya yekuti panguva ino inenge ichitengeswa fodya, dhora rekuAmerica rinenge riri pari nani asi gore rino zvinhu hazvina kumira zvakanaka.

Vari kutengesa mari pamukoto vari kutengesa zana remadhora ne mazana mana nemakumi manomwe paTransfer kana mari inoiswa munharembozha

VaBiti vanoti nyaya yehuori ndiyo yapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo.

Mafuta ekufambisa dzimotokari ari kunetsa kuwana ukuwo hurumende iri kutatarika kuwana marti yekutenga zvinhu zvakaita segorozi.

Gurukota rezvemhando dzemoto, Doctor Joram Gumbo, vanoti mafuta ekufambisa dzimotokari arimo munyika kumatura eNOCZIM asi RBZ haisi kuvawanisa mari yekuti vatenge.

Kumatura anochengeterwa gorosi rinenge ratengwa neZimbabwe kunze kwenyika kuBeira, Mozambique, vakuru vemunyika iyi vanoti Zimbabwe inofanira kubvisa gorosi rayo ragarisa.

Asi Reserve Bank of Zimbabwe iri kutatarika zvekare kuwana mari iyi.

Kunyange zvinhu zvakaoma kudai, gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vanoti inflation ichatanga kudzika muna Gumiguru.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti izvi zvinhu zvakaoma kuona zvichiitika nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG