Accessibility links

Breaking News

Hupfu Hwowedzedzerwa Mutengo Zvakanyanya


Mutengo wehupfu hwakwira zvakanyanya mushure mekunge gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vabvisa mari yange ichibhadharwa nehurumende kuti chibage chinotengeswa kuGrain Marketing Board kana kuti GMB chinge chakaderera mutengo.

VaNcube vakazivisa nezvedanho iri pavakaparura hurongwa hwavo hwekushandiswa kwemari kana kuti bhajeti regore rinouya.

Kunyangwe hazvo vemuzvitoro vange vatowedzera mutengo nemadhora makumi matatu, veGrain Millers Association of Zimbabwe GMAZ vanoti vachaita musangano wechimbi chimbi kuti vaone kuti voita sei nenyaya yemutengo.

Mutauriri weGMAZ VaGarikai Chaunza vaudza Studio 7 kuti ivo havatare mitengo yehupfu sezvo ravo basa riri rekugaya chete chibage chavanenge vatenga kuGMB.

Hurukuro naVaGarikai Chaunza
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Kuwedzerwa kwemutengo hwehupfu kuri kuuya apo nyika yakatarisana nenzara inotyisa yapa kuti masangano anopa rubatsiro aparure hurongwa hwekupa vanhu vemumadhorobha vanodarika mamiriyoni maviri chikafu. Kumaruwa vanhu vanodarika mamiriyoni mashanu vakatarisanawo nenzara.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG