Accessibility links

Huori Mukanzuru yeHarare Hokonzera Mutauro muMDC-T

  • Violet Gonda

MDC inotungamirwa naVa Morgan Tsvangirai inoti inoda kuti makanzura eguta reHarare aferefetwe zvichitevera kupomerwa kwaari kuitwa nyaya dzekuita zvehuori mukanzuru iyi.

Danho iri rakabuda pamusangano wedare guru re MDC-T svondo rapera, izvo zvakaita kuti bato iri riumbe komiti yekuongorora huwori hunonzi huri kuitwa mukanzuru yeguta guru renyika.

Izvi zvakabva zvapa zenze gurukota rematunhu, Va Ignatius Chombo, avo vanogara vachiti makunzura eMDC-T ari kuita zvehuori.

Ukuwo makunzura eMDC-T anotiwo VaChombo vanofanirwa kuferefetwa huori hwavaiita mumakanzuru achiri pasi pe Zanu-PF.

Mutevedzeri wameya weHarare, VaEmmanuel Chiroto, vanoti bato ravo riri kukanganisa kuita izvi vachiti pane nhengo dzeparamende dziri kutya makanzura ari kushanda zvakasimba kuti angavatorera zvinzvimbo zvavo musarudzo dzichaitwa munyika.

Asi mutauriri we Harare Residents Trust, Va Precious Shumba, vanotiwo ichokwadi kuti mukanzuru yeHarare mava nehuori hunotyisa.

XS
SM
MD
LG