Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Inoti Mhondi Ngadzisungwe


Armed Zimbabwean police patrol the streets of Harare in an effort to thwart a call for mass protests posted on Zimbabwean websites against the longtime authoritarian ruler, President Robert Mugabe, March 1, 2011

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reHuman Rights Watch rinoti nyaya yekusasunga vanhu vanoponda nekutyora kodzero dzevanhu muZimbabwe ndiyo iri kupa kuti vanhu vaenderere mberi vachiita mhirizhonga.

Mugwaro rayakaburitsa neChipiri rinonzi "Perpetual Fear, Impunity and Cycles of Violence in Zimbabwe, "Human Rights Watch inoti hurumende yemubatanidzwa haina zvakawanda zvayaita kuti mhirizhonga ipere.

Sangano iri rashorawo zvikuru nyaya yekusungwa kwemukuru weInternational Socialist Organization, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaMunyaradzi Gwisai, nevamwe vavo vachinzi vaida kupidigura hurumende. Sangano rinorwira kodzero dzevanhu ratiwo masoja ndiwo ari kunyanya kutyora kodzero dzevanhu munyika.

Sangano iri ratiwo mapurisa ari kuramba kusunga vanhu vari kutyora kodzero dzevanhu uye vatongi vamatare vanonzi vari kushandawo neZanu-PF nekusatonga mhosva nenzira kwayo.

Hurumende yemubatanidzwa yakurudzirwawo kuti ichengetedze kodzero dzevanhu nekutevedzera bumbiro remitemo yenyika.

Asi mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vati zviri kutaurwa neHRW hazvina maturo, vachiti sangano iri riri kushandiswa nenyika dzekumawirira.

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari Program Manager weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPedzisayi Ruhanya, vati Human Rights Watch yabaya dede nemukanwa.

XS
SM
MD
LG