Accessibility links

Breaking News

Human Rights Watch Yotyira Zanu PF Kushandisa Mari yeMangoda muSarudzo


Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch, rinoti pane kutyirwa kuti mari iri kuwanikwa kubva mukutengeswa zvisiri pamutemo kwemangoda ekwaMarange, ingangoshandiswa mukusimudzira bato reZanu PF munguva yesarudzo dziri kutarisirwa kuitwa gore rinouya.

Sangano iri rinoti rakaita ongororo yaro muna Mbudzi iyo yakaburitsa zviri kuitika kwaMarange. Sangano iri rinotiwo ongororo yarakaita inotsigirwawo neongororo yakaitwa nemamwe masangano akazvimirira.

Vakabvunzwa muongororo idzi vanosanganisira mauto ari kuchengetedza nzvimbo iyi, pamwe nevagari venzvimbo yekwaMarange.

Ongororo idzi dzinonzi dzinoratidza kuti mangoda ekwaMarange ari kucherwa zvisiri pamutemo ari kuburitswa munyika nekuMozambique, nyika inonzi haisi nhengo yeKimberley Process.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu agara achiti vamwe vari muhurumende, zvikuru veZanu PF, vari kuita zvehuwori pamangoda ekwaMarange.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weCentre for Research and Development, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitika kwaMarange zvinofanirwa kuongororwa zvakadzama.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, varamba mashoko eHuman Rights Watch aya, vachiti uku kurotomoka kwemasangano nenyika dzekumawirira.

VaGumbo vati bato ravo rinozvitsvagira roga rubatsiro kuburikidza nevanoripa rubatsiro, uye harineyi nemangoda ekwaMarange ayo ati ari mumaoko ehurumende yemubatanidzwa.

XS
SM
MD
LG