Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch raburitswa gwaro riri kupomera mhosva mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, yekutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.
Gwaro iri rinonzi Human Rights Watch World Report 2020.
Hurumende yeZimbabwe iri kupomerwa mhosva yekurega mauto achipuura nekubata chibharo vanhu vairatidzira nevamwe vaisaratidzira gore rapera.
Rinotiwo vanopikisa nevemasangano akazvimirira vari kumbunyikidzwa uye mitemo inonzi nehurumende iri kuvandudzwa yakaita seMOPA iri kutoshandiswa kutyora kodzero dzevanhu zvakanyanya.
Sangano reSADC rinonziwo raita ndonda pakugadzirisa matambudziko ari munyika dziri mugungano iri kusanganisira South Africa, Zimbabwe, Eswatini neMozambique.
Angola chete ndiyo inonzi iri kumboita zviri nani pakuvandudza mitemo kuti iremekedze kodzero dzevanhu.
Human Rights Watch inoti vaive mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vaifanirawo kutongerwa mhosva dzavakapara pavakabviswa pachigaro.
Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaEnergy Mutodi, vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe iri kuzorwa mafuta enguruve yaisina kudya
Mukuru we Human Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti Zimbabwe yadzokera kumashure zvakanyanya panyaya yekodzero dzevanhu.
Facebook Forum