Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshushikana neKutyorwa kweKodzero dzeVanhu


Jestina Mukoko ZPP On Arrests
Jestina Mukoko ZPP On Arrests

Masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti ari kushushikana nekusachengetedzeka kwevanhu zvichitevera kupambwa kunonzi kwakaitwa vanhu vatanhatu pamberi pekuratidzira kuri kuda kuitwa neMDC nemusi weChishanu.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sachigaro wemubatanidzwa wemasangano anorwira kodzero dzevanhu weZimbabwe Human Rights NGO Forum, Muzvare Jestina Mukoko, vati havasi kufara nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzeavanhu nevanofungidzirwa kuti vari muhurumende avo vavati vakapamba vanhu vatanhatu kusvika pari zvino pamberi pekuratidzira kuri kuda kuitwa neMDC neChishanu.

Muzvare Mukoko vati mapurisa nemauto vanofanira kuchengetedza zvizvarwa zveZimbabwe pazvinenge zvichiratidzira.

Vati semasangano anoshanda asina kwaakarerekera vanoda kuti kodzero dzekuratidzira dziri mubumbiro remitemo dzichengetedzwe uye vanenge vachida kuratidzira, vaite izvi murunyararo.

Muzvare Mukoko vakurudzira kuti masangano ekunze akaita seSadc, African Union, pamwe neUnited Nations kuti aise maziso awo muZimbabwe.

Muzinda weAmerica muZimbabwe waburitsawo mashoko ekutsoropodza kupambwa kunonzi kuri kuitwa varwiri vekodzero dzevanhu pamwe nenhengo dzeMDC pamberi pekuratidzira.

America yakurudzira hurumende kuti iferefete zvakakwana kupambwa kunonzi kuri kuitwa vanhu uku.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaburitsa mashoko ekuti vari kuferefeta nyaya yekupambwa kwevanhu iyi uye vanoti semapurisa vawanawo matombo nerhekeni pakati pedhorobha reHarare zvavanoti zviri kufungidzirwa kuti zvakaunzwa mudhorobha nenhengo dzeMDC kuti dzizokonzera mhirizhonga.

Vati mapurisa achabuda nehuwandu hwawo mangwana kuti achengetedze runyararo, veruzhinji pamwe nezvivakwa zvehurumende.

Nhasi mapurisa anga akapakatira zvombo aswera achitenderera pakati pedhorobha muHarare ane zvinoshandiswa pakudeedzera achikurudzira veruzhinji kuti vasapinde mumigwagwa vachiratidzira mangwana asi kuti vaite mabasa avo murunyararo.

Murongi wemisangano muMDC, VaAmos Chibaya, vakurudzira vatsigiri vavo kuti varatidzirewo murunyararo vachiti basa remapurisa nderekuchengetedza runyararo kwete kushungurudza vanenge vachiratidzira.

Nekune rumwe rutivi, munyori mukuru musangano rinomirira vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vati nhengo dzesangano ravo dzinoda kupinda mumigwagwa dzichibatana neMDC pekuratidzira, dzakasununguka kuita izvi vachiti sangano ravo rine nhengo dzinobva kumapato akasiyana-siyana uye nhengo idzi dzine kodzero yekudyidzana nemapato adzinoda.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vaburitsawo mashoko padandemutande ravo reTwitter neFacebook kuti havasati vavhara misuwo yekuti paitwe nhaurirano munyika vachiti kuratidzira nemhirizhonga hakuna zvakunobatsira. VaMnangagwa vanonzi vaudza chikwata chekomisheni inoona nezvekodzero vanhu muAU cheAfrican Commsion on Human and People’s Rights icho chiri kushanya munyika kuti hurumende haisi kuzorambidza MDC kuratidzira vachiti nhengo dzebato iri dzinofanira kuita izvi murunyararo.

MDC inoti icharatidzira mangwana ichiti haisi kufara nekusamira zvakanaka kwakaita hupfumi hwenyika.

Mutungamiri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti havaone VaMnangagwa semutungamiri wenyika akasarudzwa pachena kunyange hazvo komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission yakazivisa kuti VaMnangagwa ndivo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika gore rapera izvo zvakatsinhirwa nedare reConstitutional Court.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG