Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inombosendeka Mhosva Itsva Iri Kupomerwa VaBennett


Roy Bennett (file photo)
Roy Bennett (file photo)

Muchuchusi mukuru wehurumede, VaJohannes Tomana, vanoti vambosendeka parutivi nyaya iri kupomwerwa mubati wehomwe muMDC, VaRoy Bennett, avo vakamirira kugadzwa semutevedzeri wegurukota rezvekurima.

VaBennett vanga vava kupomerwa mhosva yekuva nechibage papurazi ravo zvisiri pamutemo muna 2001.

Hosifisi yaArttorney General inoti iri kuda kuferefeta kuti sei nyaya iyi yakatora nguva yakareba zvakadai. Asi mutauriri weMDC, VaNelson Chamisa, vanoti vakanyora tsamba kumutongi gava, VaJacob Zuma, svondo rino vachigunun’una nekubatwa kwaVaBennett nevanhu veZanu-PF nevanoitsigira.

Asi VaTomana varamba mashoko ekuti VaBennett vari kushungurudzwa nezvematongerwo enyika asi vati vari kuferefeta nyaya yavo.

VaBennett vari kupomerwazve mhosva yekuda kuuraya mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, asi vari kuramba mhosva iyi. Mutongo wenyaya iyi uchapihwa musi wa10 Chivabvu.

VaBennett vange vanzi vauye kudare musi wa 6 Kubvumbi nenyaya yechibage iyi sezvo vachinzi vainge vawanikwa vaine chibage chakawandisa pakatorwa purazi ravo. VaBennett vanoti chibage ichi chaive chevashandi vavo nezvipfuyo.

Nyanzvi munyaya dzemitemo, uye vari sachigaro weNCA, VaLovemore Madhuku, vanoti zviri kuitwa naVaTomana nehofisi yavo zvinhu zvinonyadzisa.

XS
SM
MD
LG