Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yotarisira Kudzokera muMakwikwi eCaf Confederation Cup


Dynamos-v-Highlanders
Dynamos-v-Highlanders

Chikwata cheHighlanders chaisa gumbo rimwe chete mumakwikwi e 2020 Caf Confederation Cup.

Highlanders yaisa gumbo rimwe chete pedyo nekumirira nyika mumakwikwi emuAfrica muna 2020 mushure mekupinda mufainari yeChibuku Super Cup nekurova ZPC Kariba 1-0.

Chikwata ichi chakapedzisira kutamba muAfrica muna 2007 apo chakatamba muCaf Champions zvichitevera kutora kwachakaita mukombe wePremier Soccer League.

Asi chibodzwa chakabva kunaPrince Dube chavasvitsa pedyo nekudzokera muAfrica zvekare zvekuti vangomirira kukunda Ngezi Platinum Stars mufainari yeChibuku Super Cup kuti maroto avo adudzirwe. Mukombe weChibuku Super Cup unouyawo nemari inoita RTGS $75 000.

Murairidzi weHighlanders Henrik Pieter De Jong ari kufara nekupinda kwechikwata chake mufainari yemakundano aya.

Mumwe muteveri wechikwata ichi mMuzvare Charity Mafukidze vanoti pavasvika apa hapasisina kudzokera shure zvekuti mukombe watove wavo.

Highlanders yave kusangana mufainari iyi neNgezi Platinum Stars iyo yakarova Harare City nemapenareti neMugovera mushure mekunge zvikwata izvi zvaita mangange 1-1 munguva yakatarwa.

Asi mumwe mutsigiri wemutambo wenhabvu VaTatenda Feremango Makazhu vanoti Highlanders isafunge kuti yakakunda kare mutambo wacho usati watambwa.

VePremier Soccer League havasati vazivisa kuti fainari yeChibuku Super Cup iyi ichatambwa rinhi uye kupi.

Asi mamiriro akaita zvinhu ari kuratidza kuti fainari iyi ingangotambirwa kuBarborfields Stadium kuBulawayo.

Zvichakadaro, chikwata chemaWarriors chiri kutarisirwa kutanga gadziriro yacho zvine mutsindo mangwana apo vatambi vese vari kutarisirwa kuve mukamba kugadzirira mutambo we2023 Africa Cup of Nations neBotswana neChishanu.

Mutambi ane mukurumbira Marvelous Nakamba ari kutarisirwa kubatana nevamwe vake mangwana apo ari kusvika kubva kuEngland uko akatambira chikwata chake cheAston Villa mumutambo wavo neWolves.

Vatambi Terence Dzvukamanja naKuda Mahachi avo vanotamba kuSouth Africa naThabani Kamuso vanotambira Zesco kuZambia ndivo vakatanga kupinda mukamba.

Asi hazvisi pachena kuti mutambi McCaulley Bonne uyo anotambira Charlton Athletic kuEngland achauya here kunyange hazvo ave nepasipoti yemuZimbabwe.

Zimbabwe iri kuda kutanga makundano aya zvine mutsindo mushure mekunyadzisa kumafainari emakundano mamwechetewo ayo akaitirwa kuEgypt muna Ndira.

Mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League yarongwa yakamira seizvi..

Chitatu

Bulawayo Chiefs v Hwange

Mushowani v Chicken Inn

Harare City v TelOne

Chapungu v Dynamos

Manica Diamonds v FC Platinum

Triangle v Herentals

Black Rhinos v Yadah

Highlanders v Ngezi Platinum

China

Caps United v ZPC Kariba

Totarisa mutambo weRugby

Chikwata chenyika chemaCheetahs chakatadza kuenda kubudirira kuenda kuma 2020 Olympic Games mushure mekurohwa 24-12 neUganda mumakwikwi akaitirwa muSouth Africa mukupera kwesvondo.

Uyu ndiwo chete mutambo wakatadzisa maCheetahs mushure mekunge vakunda mune mimwe mitambo mitatu iyo vakarovaNigeria, Zambia neMadagascar.

Zimbabwe yakapedza iri pachinhanho chechitatu kumakwikwi aya.

Asi Zimbabwe ichirii nemukana wekukwanisa kuzoenda kuma Olympics ikoku apo vachabatana neUganda kutamba nevamwewo vakarohwa kumhiri kwemakungwa.

South Africa iyo yakarova Uganda mufainari ndiyo yakatora tikiti rekuenda kuJapan.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG