Accessibility links

Breaking News

Muzvare Rushwaya Vanopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Henriatta Rushwaya
Henriatta Rushwaya

Vakambomiswa basa semutungamiri weZimbabwe Miners Federation, Muzvare Henrietta Rushwaya, avo vari kupomerwa mhosva yekuedza kuburitsa goridhe munyika zviri kunze kwemutemo, vapihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Mutongi wedare, VaNgoni Nduna, vatura mutongo wekuti Muzvare Rushwaya, avo vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaedza kuburitsa goridhe rinorema makirogiramu matanhatu zviri kunze kwemutemo, vabhadhare zviuru zana zvemadhora ari maRTGS semari yechibatiso uye kuti vazvipire kumapurisa katatu pasvondo pamwe nekuti vasasvike chinhambwe chemakiromita makumi masere kubva chero pane upi muganhu wenyika kudzamara nyaya yavari kupomerwa yapera kutongwa.

Izvi zvinotevera zvasvitswa kudare negweta ravo, VaTapson Dzvetero, zvekuti pane zvashanduka panyaya iyi vachitiwo hutano hwaMuzvare Rushwaya hwadzikira vari mujeri.

VaDzvetero vatiwo mapurisa akapedza kuferefeta nyaya iyi uye nekuda kwekuvharwa kwakaitwa nyika, Muzvare Rushwaya havana kwavanokwanisa kutiza vachienda sezvo mapurisa akazara mumigwagwa yose izvo zvabvumwa nemutongi.

VaDzvetero vatenda kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

Muzvare Rushwaya vakasungwa muna Gunyana panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vachida kuenda kuDubai vaine goridhe iri.

Nyaya iyi yakakonzerawo kusungwa kwevasori vaviri nevamwewo vachinzi vaive nechekuita nekuparwa kwemhosva iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG