Mvura yakawanda yakanaya muBindura nemusi weMuvhuro inonzi yakaita mafashamu akazopinda mudzimba achiparadza midzyo yakasiyanasiyana.
Kanzura wewadhi 10 uye vari mutevedzeri wameya weBindura, VaNorbert Dhokotera, vanoti kuvhara kwemigero inofanirwa kunge ichirasa mvura ndiko kwakakonzera kuti mvura iyi ijenge ichizopinda mudzimba.
VaDhokotera vanoti kanzuru yavo ichishanda pamwechete nemapurisa neCivil Protection Unit vachiri kuongorora kuti zvinhu zvakakanganiswa nemvura iyi zvakawanda zvakadii, uye kuti vanhu vangani vakawirwa nedambudziko iri.
Kanzuru iri kupomerwawo mhosva yekubvumidza vanhu kuvakira mumadafanha nemunzvimbo dzekurasa nadzo mvura.
Asi VaDhokotera varamba kuti kanzuru yavo yakapa vanhu mvumo vachiti vari mushishi kuti vapiwe mvumo nematare yekuti vaputse dzimba dzakavakwa zviri kunze kwemutemo idzi.
Facebook Forum