Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzobvunza Hurongwa Huzere hweNhomba yeCovid-19 Isati Yapinda Munyika neMuvhuro


Nyanzvi munyaya dzehutano dzinoti kunyange hazvo hurumende yakazivisa nezuro hurongwa hwayo hwekubaya vanhu vanoda nhomba yeCovid-19,pane zvakawanda zvinofanirwa kujekeswa nehurumende vanhu vasati vatanga kubayiwa nhomba iyi.

Hurumende yakazivisa nyika nezuro kuti mishonga yenhomba yeCovid-19 iri kusvika munyika kuswera mangwana, ichibva yaendeswa kumatunhu kuitira kuti vanhu vabayiwe nhomba yakagadzirwa nekambani yeSinopharm yekuChina.

Hurumende yakazivisa kuti vachatanga kubayiwa vanhu vanoshanda muzvipatara, mapazi ehurumende anosangana neveruzhinji, kusanganisira mapazi anobata kudzivirirwa kwenyika.

Vaimbove gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vanoti hurongwa hwakapiwa nehurumende hauna kukwana.

VaMadzorera vati zvakakosha kuti hurumende izivise veruzhinji kuti nhomba yakatengwa iyi, yakatengwa marii, uye kuti vacho vachapiwa nhomba pekutanga, kusanganisira vashandi vezvehutano, vakawanda zvakadii.

VaMadzorera vatiwo kunyange hazvo kushanda kwenhomba yeSinoPharm iyi kwakaziviswa patsvakurudzo dzakaitwa kuChina, zvakakosha kuti hurumende iitewo tsvakurudzo yekuona kuti nhomba iyi inoshanda here muZimbabwe isati yapihwa veruzhinji.

Izvi zvatsigirwawo nemunyori mukuru wesangano ravanachiremba reSenior Hospital Doctors Association, Doctor Aaron Musara, avo vatiwo kunyange hazvo pasina tsvakurudzo dzaitwa munyika nezvenhomba dzakabvumidzwa kushandiswa nesangano reWorld Health Organisation, WHO, zvakakosha kuti paitwe ongororo yekuona kuti mushonga uyu uri kushanda nemazvo here kana kuti usati wapihwa veruzhinji munyika.

VaMusara vatiwo zvakakosha kuti hurumende iite zvirongwa zvekudzidzisa vanhu kuitira kuti vabvume kubaiwa nhomba iyi vaine ruzivo rwakakwana.

Mutungamiririri weZimbabwe Nurses Association, Va Enoch Dongo, vatiwo dzidziso kune vachabaya nevachabaiwa dzakakosha zvikuru.

VaDongo vatiwo sevakoti vanodawo kuti hurumende ivavimbise kuti nhengo dzavo hadzizokanganisiwi nenhomba iyi sezvo vari vevamwe vari kutarisirwa kutanga kubayiwa nhomba iyi.

Mutauriri mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri ,vaudza Studio 7 kuti tsvakurudzo dzekushanda kwemishonga iyi dzakaitwa kunyika dzakafai seChina uye sangano reWHO rakagamuchira mushonga uyu.

VaMujiri vati kana paita dambudziko rakadai seCovid-19, WHO inobvumidza kushandiswa kwemishonga mushure metsvagurudzo inenge yaitwa kwenguva shoma. VaMujiri vatiwo bazi ravo rakatotanga kudzidzisa avo vachange vachizobaya nhomba.

Nyanzvi dzehutano dzinoziva zviri kuitika muhurumende dzinoti hurumende yaifanirwa kunge yakaita ongororo idzi gore rapera sezvo zvakange zviri pachena kuti chirwere ichi chicharamba chiripo kwenguva yakareba.

Nyanzvi idzi dzinoti hapana tsvakurudzo dzakaitwa munyika sezvinodiwa nemitemo, mishonga isati yaendeswa kuruzhinji rwevanhu.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vakazivisa kuti hurumende yakatenga nhomba zviuru mazana matanhatu, uye zvimwe zviuru mazana maviri zvenhomba iyi zvakapiwa pachena neChina.

Mukuru weMedicines Control Authority of Zimbabwe, VaRichard Rukwata,vakaudza Studio7 kuti vakapa hurumende mvumo yekuunza mishonga yeCovid-19 munyika mushure mekunge yatevedza zvese zvinodiwa pasi pemitemo yenyika

Asi vamwe vakuru vakuru mubazi rezvehutano vasingabvumidzwe kutaura nevatori venhau vanoti hurumende yakaita zvakare panhomba iyi zvayakaita pamushonga weIvermectin zvekuudza Medicines Control Authority of Zimbabwe kuti ibvumidze kupinnzwa kwemushonga uyu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG