Accessibility links

Breaking News

Vagari Voronga Kunetsana neKanzuru yeHarare


Harare Residents
Harare Residents

Rimwe sangano revagari vemuHarare, re Harare Residents Trust, rinoti richakurudzira vagari vane zvikwereti kukanzuru kuti varambe kuvharirwa mvura yavo.

Izvi zvinotevera chiziviso chaitwa nekanzuru yeguta reHarare chekuti ichavhara mvura kune vagari vanga vasingabhadhare mitero kwemwedzi mitatu yadarika.

Kanzuru inonzi yapawo meya weguta, VaBernard Manyenyeni, mutoro wekuti vateverewo zvikwereti zvine mahofisi makuru akaita seehurumende, makanzuru akapoteredza guta reHarare, vadare veparamende pamwe nemakurukota, avo vanonzi vane zvikwereti zvinoita mamiriyoni emadhora.

Mukuru wesangano reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vanoti kanzuru haifanirwe kuvharira vagari mvura sezvo iri kodzero yemunhu wese kuti awane mvura pasi pebumbiro remitemo yenyika.

Asi VaManyenyeni vanoti kanzuru yavo haidi kutanga hondo nevagari, asi kuti vashande pamwe mukusimudzira guta kuburikidza nekuti vagari vabhadharewo zvikwereti zvavo.

XS
SM
MD
LG