Accessibility links

Breaking News

Nyaya dzeHutano Dzonetsa muHarare


Guta reHarare rapindwa nedambudziko rechirwere chetyphoid. Mukurwisa chirwere ichi, kanzuru yeguta iri iri kushanda pamwe chete nebazi rehutano pamwe nemasangano akaita seWorld Health Organization, UNICEF nemamwe.

Izvi zviri kuitika apo nyanzvi munyaya dzehupfumi dziri kuti korera inogona kutanga zvakare munyika kana nyaya dzehutsanana dzisina kugadziriswa.

Mukuru webazi rinoona nezvekudzvivirirwa kwezvirwere mubazi rezvehutano, Dr Portia Manangazira, vanoti bazi ravo riri kushushikana zvikuru nekuwanda kwevanhu vari kubatwa netyphoid muHarare.

Mukuru musangano re Community Working Group on Health, Va Itai Rusike, vanoti vava kutyira kudzoka kwekorera mu Harare zvichitevera kuremerwa kuri kuita guta iri nechirwere chetyphoid.

XS
SM
MD
LG