Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Onetsana neVanotengesera Mumigwagwa yeGuta reHarare


Zimbabwe Vendors Demonstration
Zimbabwe Vendors Demonstration

Vanotengesa mumigwagwa varwisana nemapurisa ekanzuru neZimbabwe Republic Police ayo ange achida kuvabvisa mumigwagwa nechisimba uye pakuvara mapurisa nevanotengesa vane chitsama mukurwisana uku.

Vanotengesera mumigwagwa varwisawo mapurisa vachiatema nematombo.

Mapurisa ekanzuru neZimbabwe Republic Police ange achitenderera neguta achisunga nekutora zvinhu zvevanotengesa mumigwagwa kubva mangwanani izvo zvazotsamwisa vazhinji vatanga kurwisa mapurisa panguva dzekuma12 masikati.

Zvitoro zvakawanda nemabhanga mumigwagwa yakaita saFirst, Jason Moyo, George Silundika naAngwa avhara apo mapurisa ange ave kurwisana nevanotengesa mumigwagwa.

Veruzhinji vakurira mapurisa ayo apinda mumarori awo akatiza ndokuzodzoka chinguvana ave nezvombo zvehutsi hunokachidza pamwe nemotokari dzine mvura inovava.

Muparurisa anodzivirira nyonganyonga azokokwawo kuzopedza mvongamupopoto yange yave muguta.

Meya veHarare, VaHebert Gomba, vaudza vatori venhau kuti kanzuru haisi kurwisana nevanotengesa mumigwagwa uye iri kutaurirana navo kuti vaende kunzvimbo dzakatarwa kuti vatengesere.

Asi vati mapurisa eZimbabwe Republic Police vari kuona kuti vanotengesa mumigwagwa vaenda kunzvimbo dzavanofanira kutengesera.

Vati mangwana chaiwo vachaita musangano nevanhu ava kuti vazeye nyaya iyi.

Munyori mutsva weguta reHarare, VaHosia Chisango, avo vawana basa iri nhasi vatiwo vanhu vari kutengesera panzvimbo dzisingaite uye kubvira pavakatanga chirongwa chekubvisa vanhu mumigwagwa, guta rachena.

Vati chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi kudzamara dambudziko rekorera rapera muguta.

Vaviri ava vatiwo zvichitevera kubuda kwekorera muguta pamwe nezvakaitwa nehurumende kuti yave State of Emergency, zvimwe zviri kuitwa muguta zviri kuitwa nehurumende uye vati ivo havazive kuti zvinhu zviri kutorerwa vanhu zviri kuendeswa kupi.

Mukuru werimwe remasangano anomirira vanotengesa mumigwagwa reVendor Initiative for Socio-Economic Transformation, VaSamuel Wadzayi, vaudza Studio 7 kuti pane nhengo dzesangano ravo nhatu dzakuvara munyonga nyonga yanhasi.

VaWadzayi vatiwo vashamisika zvikuru nekuita kwemapurisa sezvo paine musangano wavachaita mangwana nekanzuru nevese vane chekuita nenyaya iyi.

VaWadzayi vaudza Studio 7 kuti vakaudza hurumende kuti nyaya yekubvisa vanhu mumigwagwa nechimbi chimbi haiite uye kuti zvakakosha kuti vanhu vagare pasi voita nhaurirano nechinangwa chekuti munhu wese akwanisa kuita basa rake akasununguka.

Hurumende yakamisa mabasa ekutengesera mumigwagwa mumadhorobha ese munyika senzira yekudzivirira chirwere chekokera icho chinokonzerwa netsvina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG