Accessibility links

Breaking News

Harare Yovhara Mvura Kusvika neSvondo


Su
Su

Kanzuru yeHarare yayambira vagari vemuHarare kuti kuchange kusina mvura kubva manheru anhasi kusvika neSvondo ukuwo vagari vachiti mazuva aya akawandisa zvinogona kuzokonzeresa zvirwere zvemudumbu.

Mutauriri wekanzuru yeHarare, VaMichael Chideme, vaudza Studio7 kuti kanzuru iri kuzovhara mvura kuti ivandudze mapombi avo emvura kuMorton Jaffray nekuWarren Control.

Kanzuru yati mvura inenge isiko kunzvimbo dzese dzemuguta pamwe nedzimwe nzvimbo dzakatenderedza Harare izvo vagari vari kugunun’una nazvo.

Mugari wekuBloomingdale, VaStanford Nyatsanza,vashora kanzuru nekuendesa mvura kwemazuva matatu akatevedzana vachiti izvi zvinogona kukonzera zvirwere kunyanya kunzvimbo dzakaita sedzavo kusina zvibhorani.

Mumwe mugari wekuMalbereign, VaTawanda Maphosa, vatsigirawo vachiti vaneta nekuvharwa kwemvura nguva nenguva.

VaMaphosa vati kanzuru inofanirwa kuona kuti yagadzirisa mapombi emvura kuitira kuti isagara ichishaisa vagari mvura.

Vamwe vagari vataurwa navo vati kanzuru yeHarare haivape yambiro pane nguva vachiti pavanobva kumabasa mvura inenge yaenda vasina kuchereredza yekuzoshandisa pamazuva matatu aya.

Guta reHarare rakatarisana nedambudziko remvura sezvo madhamu anoshandiswa achinzi ane mvura shoma.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG