Accessibility links

Breaking News

Harare Ndiyo Ine Vanhu Vakawandisa Vafa neCovid-19


Bazi rezvehutano rinoti vamwe vanhu vaviri vakafa kuBulawayo neManicaland nemusi weSvondo nechirwere cheCovid-19 zvichireva kuti huwandu hwevanhu vafa kusvika parizvino vave zana nemakumi matatu nevashanu kana kuti 135.

Izvi zvinotevera kushaya kwevamwe vanhu vatatu neMuvhuro kuManicland, Bulawayo neMashonaland East.

Harare ndiyo ine vanhu vakawandisa vafa vanosvika makumi masere nemumwe kana kuti 71 ichiteverwa neBulawayo ine vanhu makumi maviri nevasere kana kuti 28.

Masvingo ndiro dunhu chete munyika risina kana munhu mumwe chete afa nechirwere cheCovid-19.

Vanhu vabatwa nechirwere ichi munyika vasvika zviuru zvishanu zvine mazana matatu nemasere kuti 5,308. Vanhu vapora nyika yose vanosvika zviuru zvitatu zvine mazana masere nemakumi mana nevasere kana kuti 3,848

Kupararira zvakanyanya kuri kuita chirwere ichi kuri kuuya apo kuramwa mabasa kwevashandi vemuzvipatara kusanganisira vakoti navanachiremba kwave kuda kusvika mwedzi miviri vachinyunyuta nemari dzavari kutambiriswa uye kushaya zvikwanisiro.

Zvichakadaro, mashoko atumirwa Studio 7 neAfrican Union achibva kuAfrica Centers for Disease Control and Prevention anoratidza kuti vanhu vanodarika miriyoni imwe chete nezviuru zana vabatwa nechirwere ichi muAfrica.

Vafa vadarika zviuru makumi maviri nemashanu ane mazana matanhatu nemakumi mana nemana kana kuti 25, 644.

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere checoronavirus pasi rose hwadarika mamiriyoni makumi maviri nerimwe ane zviuru mazana masere kana kuti 21, 7 million.

Johns Hopkins University yemuAmerica iyo iri kuongorora kupararira kwechirwere ichi pasi rose inoti muAmerica ndimo mune vanhu vakawandisa vabatwa nekufa nechirwere ichi.

Vanhu vafa nechirwere ichi muAmerica vadarika zviuru zana ne makumi manomwe kana kuti 170, 000. Vanhu vafa nechirwere ichi pasi rose vadarika zviuru mazana manomwe nemakumi manomwe nemashanu kana kuti 775,000.

Vapora pasi rose vachidarika mamiriyoni gumi nematatu ane zviuru mazana matanhatu kana kuti 13,6 million

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG