Accessibility links

Breaking News

Meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, Votaura Zvipingaidzo Zvavo


VaBernard Manyenyeni
VaBernard Manyenyeni

Meya weguta reHarare vanoti hurongwa hweguta reHarare hausi kufamba zvakanaka nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana zvinosanganisira kusavapo kwemunyori weguta, mitemo inosunga meya weguta mbira dzakondo, pamwe nekuondomoka kwehupfumi.

Vachitaura pamusoro pemamiriro eguta muHarare, meya weHarare, VaBernard Manyenyeni, vati kunyange hazvo guta reHarare rakatarisira hutungamiri hutsva gore rino, hapana chinobuda kana guta risina meya vane masimba, pasina mari, uye kusavepo kwemunyori weguta.

VaManyenyeni vati pamakore mashanu avanga vari panyanga dambudziko guru ranga riri kupindira kwehurumende munyaya dzemakanzuru vachiti vanga vachibvutirwa masimba zvichivatadzisawo kuzadzikisa zvido zvevagari.

Asi VaManyenyeni vabvumawo kuti kuuya kwehurumende itsva yaVaEmmerson Mnangagwa kwaumbawo hukama hurinani pakati pekanzuru yeHarare nebazi rinoona nezvematunhu.

Kunyange hazvo vati pave nehukama hurinani nehurumende, vatiwo hukama hutsva uhwu hahuna zvibereko zvati zvavepo.

VaManyenyeni, avo vanoti havasi kuzomira zvakare musarudzo dzegore rino, vakurudzira kuti vagari vemuHarare vasarudze makanzura anonzwisisa kufamba kwemabasa eguta kuitira budiriro.

Mukuru wesangano rinomiririra vagari reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vati vafadzwa nechokwadi chabudiswa nameya munyaya yekusazadzikiswa kwezvishuviro zvavagari.

Asi VaShumba vatiwo vashora kuti VaManyenyeni havana kunyatsotaura zvakakwana mashandiro akaita makanzura eguta reHarare.

VaShumba vatiwo chimwe chavafarira kubuda pachena kwaVaManyenyeni kuti mamwe makanzura anosarudzwa haagoni kusimudzira guta, vakati izvi zvinopa chitsvambe kuvavhoti takatarisana nesarudzo.

Guta reHarare semamwe maguta munyika rakatarisana nematambudziko ekuwanisa vagari mvura yekunwa yakachena, kutakurwa kwemarara, vatengesi mumigwagwa, kushaya mari pamwe nekurwisana nezvirwere zvinokonzerwa nemvura yakasviba.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG