Accessibility links

Breaking News

Kanzuru yeHarare Inoita Musangano neVagari


Harare Mayor Herbert Gomba 1
Harare Mayor Herbert Gomba 1

Kanzuru yeguta reHarare yaita musangano nevagari kuitira kuti pakurukure zvakakosha zvinofanirwa kugadziriswa muguta pamazuva zana ekutanga.

Kanzuru yeHarare inoti pamazuva zana ayo ekutanga, ichagadzirisa dambudziko revanotengesa mumigwagwa, kuitira kuti vatengese zvisina njodzi yekuparadzira zvirwere nekugadzirisa mudhorobha kuti mufambike zvakasununguka.

Kanzuru inoti inodawo kugadzirisa zvivakwa zvekanzuru kusanganisira zvimbuzi zvinoshandiswa neveruzhinji pamwe nekugadzirisa nyaya yemvura.

Vachitaura vakamirira meya weguta reHarare, Muzvare Kudzai Kadzombe, vanova kanzura kuMalborough, vati kanzuru yavo ine chinangwa chekuchenesa guta pamwe nekuzadzisa mabasa ainotarisirwa kuita neveruzhinji.

Muzvare Kadzombe vatiwo vakatarisirawo kuwanisa vagari vemuHarare mvura yakachena.

VaHardlife Mudzingwa, avo vanoshanda neCommunity Water Alliance, vaudza Studio7 kuti chikuru chavanoda kuti kanzuru igadzirise nechimbichimbi kusimudzirwa kwekodzero yekuwanisa vagari mvura yakachena.

Nhengo inoshanda neCombined Harare Residents Association, VaReuben Akili, vatiwo nhengo dzavo dzakatarisira kugadzirisa mabhadharirwo anoitwa mari kukanzuru vachiti mari dzevagari dzavanobhadhara dzimwe nguva hadziratidzi pamapepa emvura.

VaAkili vanotiwo vakatarisira kuti kanzuru itsva iyi iite mabasa ayo pajekerere pamwe nekuzivisa vagari zvavanenge vachiita.

Vagari muHarare vanoti vanoshuvira kuti kanzuru yavo ichashanda zvakanaka pasina kupindira kwebazi rezvematunhu sezvaiitika mukanzuru yakanga ichishanda iri pasi pevaimbove meya weguta iri, VaBernard Manyenyeni, avo vakapedza temu yemuna Chikunguru.

VaManyenyeni vakatiwo kupindira kwehurumende kwakakanganisa zvikuru mashandiro wekanzuru yeHarare.

Kupindira kwehurumende mumashandiro emumaguta kwakatanga muna 2000, apo MDC yakatora makanzura ose emumaguta.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG