Accessibility links

Breaking News

Vana Sorojena Vochenesa Guta reHarare


Guta reHarare
Guta reHarare
Vana sorojena vari pamudyandigere vabatana neMuvhuro mangwanani mukuchenesa nzvimbo zhinji dzinokwirirwa mabhazi muHarare. Vana sorojena ava vanoti vari kushushikana nekuwanda kwemarara netsvina pese pese muHarare, gura raimbove nemukurumbira wekuchena.

Munyori mukuru wesangano rePensioners Trust, VaHamatas Rwazemba, vanoti guta reHarare rasviba zvikuru uye hazvivashamisi kuti zvirwere zvinokonzerwa netsvina zviri kuwanda muguta iri.

VaRwazemba vatiwo zvinorwadza kuti vagari vemuguta vari kungorasira marara pese pese izvo zvinowedzerawo mukana wavo wekubatwa nezvirwere.

Ambuya Pamhidzai Muzarakuza ndemumwe weavo vatsvaira mukati meguta. Vanoti zviri pachena kuti kanzuru yeHarare haisi kuita basa rayo nemazvo.

VaRwazemba vanoti pavataura nevachairi nemakondakita emabhazi anoshandira pamusika wepana Fourth Street vaudzwa kuti hapana pekurasira marara uye zvimbuzi zvepamusika uyu zvinovharwa panguva dzekumafive asi iri nzvimbo inoshandiswa kusvika pakati pehusiku.

Mumwe anoshandira panzvimbo iyi uyo ati anonzi mabhena anoti hapana zvavangaite sezvo kanzuru iri kutadza kuvapa zvimbuzi nemabhini anovakwanira
VaRwazemba vati sangano ravo richasangana nevakuru vakuru vekanzuru yeHarare, masangano anomirira vagari vemuguta, vanotengesa mumigwagwa pamwe neve Environmental Management Agency, EMA, kuitira kuti vagadzirise dambudziko remarara muguta.

Gore rino EMA yakabhadharisa kanzuru yeHarare madhora zviuru gumi nezvishamu pamusoro pekutadza kwayo kutakura marara, pamwe nekusvibisa mamirire ekunze nemvura muguta.

Kanzuru inoti iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa nyaya yetsvina uye yave kushanda neEMA kusunga vese vanorasa marara pese pese muguta.

Vamwe vagari vemuHarare vanogara vakabatwa nezvirwere zvinokonzerwa netsvina zvakaita setyphoid nekorera.
Nyaya Ina Irwin Chifera
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG