Accessibility links

Breaking News

Hama dzeVakatsakatika paGukurahundi Dzinoti Hurumende yaVaMnangagwa Iri Kuvimbisa Zvaisiri Kuita


Dzimwe hama dzevanhu vakatsakatitswa panguva yeGukurahundi dziri kugunun’una kuti hurumende haisi kuita zvakakwana kuti nyaya iyi igadziriswe zvachose.

Kugunun’una uku kwakabuda nezuro pakukumikidza kwechivakwa chine mazita evamwe vanhu gumi vakanyangariswa mugore ra1985 kumatenganyika ekuSilobela mudunhu reMidlands panguva yeGukurahundi semucherechedzo wekuvarangarira.

Mumwe wevanhu vaivepo pachiitiko ichi ndiAmai Anna Ndebele avo vakasara vave shirikadzi mushure mekunge murume wavo VaKefas Ndebele vapambwa pamusha pavo husiku nevanhu vaive vakapakatira pfuti vasingaziikanwe kuti ndivanaani.

Vachiratidza kushushikana zvikuru Amai Ndebele avo vave nemakore makumi manomwe nerimwe, vakaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo chiitiko ichi chave nemakore anopfuura makumi matatu chaitika, vanoramba vachirwadziwa zvikuru nekuti nanhasi havasati vaziva kuti chii chaizvo chakaitika kune murume wavo uye kuti akavigwa kupi.

Muzvare Patricia Baleni avo vaivepowo pachiitiko ichi vana baba vavo vakapambwawo panguva imwe chete vanotiwo moyo wavo uchiri kurwadza nekuda kwenyaya iyi.

Muzvare Baleni vanoti kunyange hazvo hurumende yave kutaura zvikuru nezvekugadziriswa kwenyaya yeGukurahundi, havawoni chakati tsvikiti chinobatika chiri kunyatsoitwa. Vanoti shuviro yavo ndeye kuti panyatsove nekubuda pachena pane zvakakitika uye kuti vanhu vakafirwa kana kutsakatikirwa nehama dzavo vabatsirwe nenzira dzakakodzera kuti moyo yavo nepfungwa dzavo zvigadzikane.

VaDingilizwe Mkandla vane vabereki vakatsakatika panguva iyi ndemumwe mugari wekumatenganyika ekuSilobela ari kutungamira pakutsvaga chokwadi chezvakaitika.

VaMkandla vanotiwo kunyange hazvo hurumende iri kutaura kuti inoda kuti nyaya iyi igadziriswe vanoshamisika nekuti vanoona sekuti kune vanhu vari kushanda kuti nyaya iyi isagadziriswa.

VaMkandla vanotsinhirawo kuti chimwe chezvinhu zvakakosha chavanoda kuti chiitwe inyaya yekuti pave nekubuda pachena kuzere panyaya iyi.

Taedza kunzwa kubva kugurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa yave nenguva ichiti iri kuda kuti nyaya yeGukurahundi igadziriswe. Masvondo maviri adarika, mushure memusangano wakaitwa pakati paVaMnangagwa nemamwe madzishe muguta reBulawayo, munyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko VaNick Mangwana vakaudza vatori venhau kuti hurumende yaive yave kutanga hurongwa hwekubatsira dzimwe mhuri dzevanhu vakauraiwa panguva yeGukurahundi.

VaMangwana vakatsinhira kuti mutungamiri wenyika aitungamira pachirongwa ichi nekuda kwake pasina anomumanikidza nekuda kweshungu dzekuti nyaya iyi igadziriswe zvizere.

Asi mukuru wesangano reHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica VaDewa Mavhinga vatsinhirawo maonero ekuti hapana zvinobatika zviri kuitwa nehurumende vachiti zvakakosha kuti hurumende itange yabudisa chokwadi chizere panyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG