Accessibility links

Breaking News

Hama dzeMurume Akapfurwa Akafa neMapurisa kuChinhoyi Dzinoti Dzinoda Kuripwa


Mumwe murume akapfurwa akafa nemapurisa pakati pedhorobha reChinhoyi masvondo maviri apfuura akazoradzikwa nezuro kuMhangura asi dzimwe hama dzake dzichiti dzinoda kuripwa nehurumende.

Muchakabvu Julius Zingwe avo vainge vaine makore makumi mashanu vakapfurwa nemapurisa vari mumotokari yaifungidzirwa kuti yainge yabiwa kuHarare mwedzi wapera.

VaZingwe avo vaizivikanwa semutengesi wemabanana kuMhangura nemuChinhoyi vainge vauya muChinhoyi kuzohodha mabanana ekuzonotengesa apo vakakwidzwa motokari yerudzi rweToyota Wish yaifungidzirwa kuti yainge yakabiwa.

Mudzimai wemufi Amai Salom Bere vanoti murume wavo ainge isiri mbavha asi mutengesi wemabanana sezvakapupurwa nevanhu vakawanda parufu. Amai Bere vanoti zita remurume wavo rinofanirwa kuchenurwa.

Amai Bere vanoti mapurisa haana kana chavakabatsira nacho parufu kunyange kutumira mashoko enyaradzo.

Sekuru wemufi vanonzi (Whats his first name) VaChitsa vanoti chiitiko chekufa kwemuzukuru wavo hachina kuvafadza semhuri uye vanotarisira kuziva kuti zvakaitwa nemapurisa zviri pamutemo here.

VaChitsa vanoti vachatsvaga mangweta anoziva mutemo kuti varipwe kupfurwa kwemuzukuru wavo nemapurisa.

Mumwe mugari wemuMhangura Muzvare Cleopatra Gamanya avo vanoti vakaziva VaZingwe makore gumi apfuura vakapupurawo kuti mufi anozivikanwa nekutengesa mabanana.

Mutauiriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West Inspector Clemence Mabgweazara vanoti nyaya yekupfurwa kwaVaZingwe yave mumatare edzimhosva ayo achaizeya kuti vaone kana paine pakakanganiswa sezvo mapurisa aiita basa ravo.

Muna 2018 mumwe murume VaMuchesa Chatsama vakapfurwawo neanofungidzirwa kuti mapurisa kuMarlborough muHarare vari muhofisi mavo uye nyaya iyi yakaendeswa kumatare edzimhosva sezvo hama dzake dziri kuda kuripwa. Mapurisa anonzi aipfurana nembavha.

Mugore ra2000 mapurisa akawanikwa ainemhosva yekukonzeresa kufa kwevanhu gumi nevatatu munhandare yeNational Sports Stadium pamutambo weZimbabwe neSouth Africa apo mapurisa akakanda utsi hunokachidza zvakapa kuti vanhu vabude munhandare vachitsikana vachiyedza kutiza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG