Accessibility links

Breaking News

Hama dzeMagamba Akafira kuChinhoyi Dzinoti Hurumende Yadzikanganwa


Dzimwe mhuri dzemagamba akafa muhondo yemuChinhoyi iyo yakatangisa hondo yechimurenga chakaunza rusununguko munyika dzinoti dzinofanirwa kupihwa ruyamuro sezviri kuitwa hama dzemamwe magamba.

Vachitaura nhasi pamarinda emagamba anosvika makumi matanhatu nevatatu muChinhoyi hama yerimwe remagamba manomwe akafa pahondo yemuChinhoyi, VaChristopher Chatambudza, Muzvare Flora Chatambudza vachema chema kuti havana chavakawana.

Muzvare Chatambudza vati mhuri yavo igere kuMhondoro kusingarimike zvakanaka nekuda kwejecha.

Vati vakaziva nezvekufa kwaVaChristopher munhepfenyuro pamwe nekuzviverenga mumapepanhau asi pasina kana munhu akauya kwavari.

Imwe hama yerimwe gamba VaArthur Maramba, Amai Bessie Njodzi vanova muzukuru wegamba iri vanoti kunyange vachigara muChinhoyi havasi kurangarirwa nehurumende.

Amai Njodzi vanoti kunyange VaMaramba vakaenda kuhondo vasati varoora, mhuri yavo inofanirwa kuyamurwa nekupinzwa mabasa muhurumende uye kuwaniswa nzvimbo dzekudzidzira mabasa.

Vachipa divi ravo, mukuru wevaimbove varwi vehondo yerusununguko mudunhu reMashonaland West VaConneliuas Muoni vati chiri kunetsa ndechekuti magamba manomwe aya haana magwaro akanyorwa kuti vakapihwa chiremera chekuva magamba enyika.

VaMuoni vanoti vaimbove mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakazivisa kuti vanomwe ava vave magamba pamusangano wevechidiki wakaitirwa muChinhoyi asi hazvina mapepa sezvinoditarisirwa pamutemo.

Asi mumweaive chimbwido munguva yehondo Muzvare Constance Mukandiwa vati pavakabatsira muhondo vainge vasingatarisire kuzopihwa mari nekudaro vanoti vanogutsikana nekuwana rusununguko ruzere.

Muzvare Mukandiwa vati havo zvinhu zvikazonaka munyaya dzezvehupfumi vanogona kuzotendwa asi haisi nyaya hombe.

Hondo yepachinhoyi kana kuti Chinhoyi Battle yakarwiwa musiwa 28 Kubvumbi 1966 yakbva yava nhanganyaya yekurwisa hurumende yehudzvanyiriri yaIan Douglas Smith nezvombo.

Magamba manomwe aya akapinda muRhodesia achibva nekuZambia. Vakashaya ava vanosanganisira VaChatambudza, VaMaramba, VaSimon Chimbodza, VaNathan Charumuka, VaGodwin Manyerenyere, VaEphraim Shenjere naVaDavid Guzuzu.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti vachagadzirisa nzvimbo iyi kuti ive chiremera nekuisa dombo.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG