Accessibility links

Breaking News

Gweta raVaMnangagwa VaLewis Uriri Vopa Huchapupu muDare reConstitutional Court


magweta ari kudare reConstitutional Court
magweta ari kudare reConstitutional Court

Gweta riri kumirira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa VaLewis Uriri vave kupa humbowo mudare vachiti humbowo hwakapihwa nemagweta emutungamiri weMDC Alliance VaThabani Mpofu akanonoka kuunzwa kumatare sezvinodiwa nemutemo.

VaUriri vari kuti nekudaro dare haritombofanire kunzwa zvose zviri kupihwa sehumbowo neMDC Alliance.

Vari kutiwo dai bato rinopikisa rakakumbira kuti mavhoti averengwe patsva kana vaida kupa humbowo hwekuti dare rivhure magwaro avhurwe zvekare.

Asi mumwe mutongi wedare Amai Rita Makarau vati zvimwe zviri kutaurwa naVaUriri hazvienderane nezvinodiwa pamutemo wesarudzo dzemutungamiri wenyika zvekuti kana maawa makumi mana nemasere apfuura veMDC Alliance vaikwanisa kuenda kudare reElectoral Court kuti vapihwe mvumo yekuti mavhoti averengwe zvekare patsva.

VaUriri vanoti VaMpofu havana humbowo hwakati tsvikiti hwavapa kuti pane mamwe mavhoti akaita zvekubirirwa anosvika zviuru makumi matanhatu nemappfumbamwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG