Accessibility links

Breaking News

Gwaro reChipiri reBumbiro reMitemo Rinopedzwa Kunyorwa


Komiti iri kukokera kunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika inoti gwaro rechipiri rebumbiro idzva ranga richinyorwa, rapera kunyorwa uye rinogona kusvitswa kuvatungamiri vemapato ari muhurumende yemubatanidzwa chero nguva kana neChina, kana vatungamiri vose vari munyika.

Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vati nhengo dzekomiti iyi dzaedzerwa dzichikwenenzvera pamwe nekuisa masiginicha adzo pamapeji ose egwaro iri, kuitira kuti mangwana pasazowana anoda kushandura zvakabvumiranwa.

VaMatinenga vati vawiriranawo panyaya yekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibvumidzwe kuve zvizvarwa zvedzimwe nyika zvisingarasikirwi nekodzero dzazvo, kana chete zvakazvarirwa muZimbabwe.

Vati vawiriranawo panyaya yekutongwa kwematunhu, uye yekuti mutungamiri wenyika abvumidzwe kutungamira kwematemu maviri kana vanhu vachimuda.

Mutemo mutsva uyu unoreva kuti hakuna mutungamiri wenyika anoita basa iri kwematemu anodarika maviri sezviri kuitika pari zvino.

Imwe nyanzvi iri kushanda sachipangamazano muchirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika, VaAlex Magaisa, vanoti vakatyamadzwa kuona kuti pane zvimwe zvinhu zvaiva mubumbiro iri zvabviswa, izvo zvaizobatsira vana veZimbabwe.

Pasi pechibvumirano chakavaka hurumende yemubatanidzwa, Zimbabwe inofanirwa kuumba bumbiro idzva pasati paitwa sarudzo.

Kana bumbiro iri rapera kunyorwa, pachaitwa referendamu ichapa vanhu mukana wekubvuma kana kusatambira bumbiro iri.

Asi sangano rinorwira kuti munyika muve nebumbiro idzva rinobva muvanhu, reNational Constitutional Assembly, rinoti richakurudzira veruzhinji kuti vasatambire bumbiro iri mureferendamu ichaitwa munyika sezvarakaita mureferendamu yakaitwa muna Kukadzi 2000.

XS
SM
MD
LG