Accessibility links

Breaking News

Gurukota reBumbiro neMabasa eParamende Rofadzwa neChirongwa cheKunyorwa kweBumbiro Idzva


Gurukota rezvebumbiro remitemo nemabasa eparamende, VaEric Matinenga, vanoti hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakunyorwa kwebumbiro idzva remitemo yenyika hwasvika pazvikamu makumi maviri kubva muzana, uye vane tarisiro yekuti hunopera munguva yakatarwa.

VaMatinenga vanoti vari kugutsikana nemafambiro ari kuita hurongwa uhu, kunyange hazvo vachiri kutarisana nematambudziko mune dzimwe nzvimbo.

Ukuwo, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti mumwe musoja anonzi atyisidzira mumwe murume akasiya basa kuchiuto kuti acharangwa nemitemo yechiuto kana akaramba achishanda nevatsigiri veMDC. Major Mpofu vanonzi vaudza VaTungamirai Hove kuZhombe kuti vasabatsire nhengo dzeMDC kana vachida kuti vasapinde muna taisireva.



Studio7 haina kukwanisa kunzwa kuna Major Mpofu kuti seyi vataura mashoko akadai.

Asi mutewedzeri wasachigaro weCOPAC, Amai Gladys Gombani Dube, vanoti misangano iri kuitwa kuGwanda kuMatebeleland South, iri kufamba zvakanaka pasina kupokana.

Asi Studio7 haina kukwanisa kunzwa kumasangano akazvimirira ari kuongorora kufamba kuri kuita chirongwa chekunyorwa kwebumbiro idzva mudunhu reMatabeleland.

Asi neMuvhuro kwaiva nemashoko ekuti vanhu vakawanda vemudunhu iri havasi kuziva nzvimbo dzine dziine vanhu veCOPAC, sezvo chirongwa ichi chisiri kushambadzwa zvakakwana.

Asi mumwe wemasachigaro ekomiti yeparamende iri kutungamira chirongwa ichi, VaDouglas Mwonzora, vakaudza Studio7 neMuvhuro kuti vari kushambadza nzvimbo idzi mumapepanhau akaita seChronicle, asi vanhu vemunzvimbo iyi havadi kuverenga bepanhau iri.

XS
SM
MD
LG