Accessibility links

Breaking News

Nhomba Dzichabairwa Vana Vacheche Dzowedzerwa


Bazi rezvehutano rinoti vana vanozvarwa munyika vachange vave kupihwa makadhi matsva achange achitarisa kukura kwevana uye vachange vave kubaiwa nhomba itsva inodzivirira mabayo.

Vanoona nezvehutano hwevana vacheche musangano re World Health Organisation, Dr Trevor Kanyowa, vanoti makadhi evana vacheche matsva aya achange akasiyana pakati pevanakomana nevanasikana. Munguva yapfuura vana vese vange vane makadhi akafanana.

Dr Kanyowa vanoti kadhi idzva iri richabatsirawo pakutarisa zvimwe zvinhu zvakakosha pakukura kwevana vacheche, izvo zvinosanganisira kutapuriranwa kwehutachiwona kubva kuna amai kuenda kumwana.

Dr Kanyowa vanoti nguva yekuyera vana huremu hwavo yakasandurwa mukadhi idzva iri. Vana vachatanga kubaiwa nhomba ye BCG pakuzvarwa vozobaiwa nhomba yechipiri pamavhiki matanhatu kwete mwedzi mitatu semunguva yapfura.

Vana vanozobaiwa dzimwe nhomba pamavhiki gumi, gumi neina vozopihwa nhomba yekupedzisira mukati memavhiki gumi nesere. Nhomba yaipihwa vana vadiki pamakore mashunu yebooster yambomiswa.

Dr Kanyowa vaenderera mberi vachiti nhomba idzva iyi ichatanga gore rino yozoteverwa neimwe nhomba ichatanga kubaiwa vana gore rinouya ichadzivira vacheche kubva kuzvirwere zvakadai nemanyoka.

XS
SM
MD
LG