Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kushoropodza gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, pamusoro pekomiti yavakadoma neChishanu kuti igoshanda nebazi ravo mukubatsira nyaya dzekugoverwa kwemari yekunze.
Vachiparura bhajeti regore rino, VaNcube vakati vaizoumba komiti iyi nechimbi chimbi.
Komiti iyi ine vanhu vatorwa kubva mumapazi ehurumende chete pasina vezvemabhizinesi nevemasangano akazvimiririra.
Komiti iyi ine vanhu vapfumbamwe, mumwe chete wavo ari munhukadzi.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi uye vari chipangamazano ku United Nations, Doctor Prosper Chitambara, vanoti zvakanaka kuumba komiti iyi asi havaoni paine zvainobatsira nekuti ine vanhu vadomwa kubva mumapazi ehurumende chete.
Doctor Chitambara vanoti hurumende yaifanirwa kutorawo vamwe vana mazvikokota kubva kumasangano akasiyana siyana akaita se emabhizinesi, masangano anoshanda akazvimiririra nevanoita mabasa emaoko kuti vabatsire mukuonesana marerano nenyaya iyi.
Vanotiwo mitemo yemafambiro emari munyika inoda kugadziriswa kuitira kuti zvinhu zvigone kuvandudzika munyaya dzezvehupfumi.
Facebook Forum