Accessibility links

Breaking News

Gurukota Remingodhi Va Obert Mpofu Vanobvuta Mangoda E ACR

Kubvutwa kwemangoda aya kunoitika mushure mekupazwa kwakaitwa mahofisi e African Consolidated Resources, iyo ine mangoda akachengetedzwa ku RBZ.

Gurukota remigodhi, Va obert Mpofu, vakaenda ku bhanga guru renyika nezuro madeko nemapurisa kunobvuta mangoda ekwa Marange akanzi nedare re Supreme Court achengetedzwe ne RBZ.

Kubvutwa kwemangoda aya kunoitika mushure mekupazwa kwakaitwa mahofisi e African Consolidated Resources, iyo ine mangoda akachengetedzwa ku RBZ.

Studio Seven haina kukwanisa kubata VaMpofu parunhare, sezvo mbozhanhare yavo yanga ichinetsa kubata. Va Jonathan Samkange ndivo gweta re ACR

Vaudza Studio Seven kuti izvi zvinoratidza kuti nyika haina hutongi hwakanaka.

Zvichakadaro kutongwa kwemhoswa yevakuru vaviri vekambani yeCanadile Diamond Mining Investments, avo vari kupomerwa mhosva yekuwanikwa vaine mangoda anokosha madhora zviuru makumi maviri nezvisere, kwatadza kutanga nhasi mudare kwaMutare, sezvo muchuchisi venyaya iyi, VaMicheal Mugabe, vati vakanonoka kupihwa magwaro anoroverera vaviri ava nemhosva nemapurisa.

Mutori wedu wenhau, Loirdham Moyo, anotipa nyaya inotevera.

This item is part of
XS
SM
MD
LG