Accessibility links

Gurukota reMuhofisi yaVaTsvangirai VaTimba Vanosungwa

  • Blessing Zulu

Gurukota remuhofisi yemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, VaJameson Timba, vanonzi vakatorwa nemapurisa neChishanu pasina zvikonzero zvakati tsvikiti zvakapihwa nemapurisa aya.

Gweta raVaTimba, VaSelby Hwacha, vanoti havasi kuziva kuti VaTimba vatorerweyi. VaHwacha vati VaTimba vari kuHarare Central Police Station kudivi reCriminal Investigations Department - Law and Order Section. Vati mapurisa ari kuvarambidza kuvaona.

Mutauriri wemapurisa muHarare, Inspector James Sabau, vati havana kunge vasumwa nezvaitika pana VaTimba sezvo vange vari mumusangano waitirwa kunze kweHarare.

MDC inoti VaTimba vanenge vasungirwa nyaya yekuti vakaudza bepanhau reStandard kuti mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vakareva nhema pane zvakabuda kumusangano weSADC Troika wakaitirwa kuSouth Africa.

Bato reMDC rinotiwo imwe nhengo yaro, VaTendai Chinyama, vanova murongi wemabasa muKambuzuma, vakapambwa muHarare neChina nevanofungidzirwa kuti ndevesangano revasori.

Asi mutauriri wemapurisa, VaWayne Bvudzijena, vanoti havana ruzivo nezvekupambwa kwaVaChinyama.

Zviri kuitwa nhengo dzeMDC zvava kupa kuti muhurumende yemubatanidzwa muite zinyekenyeke.

Vakaoma musoro muZANU-PF, vachitungamirwa nevaimbova gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, vange vachikurudzira mapurisa kuti asunge VaTimba naVaTsvangirai vachivapomera mhosva yekutaura manyepo pane zvakabuda kumusangano weSADC Summit.

NeChishanu nhepfenyuro yeZBC yange ichitiwo VaTimba vane mari inosvika mamiriyoni matatu emapaunzi eku Britain yekupa vemapepanhau ari munyika akazvimirira oga, kuitira kuti apidigure VaMugabe.

VaTimba vainge vaudza Studio 7 kuti mashoko aya ndeenhema maminitsi mashoma vasati vatorwa nemapurisa neChishanu.

Mutauriri weMDC-T mudunhu reHarare, VaObert Gutu, vanova mutevedzeri wegurukota rezvemitemo, vanoti Zanu-PF yave kuvapfuvisa.

Zvichakadaro, zvinhu munyika zvaramba zvakaita manyama amire nerongo zvopa kuti vakawanda vati muyananisi pagakava riri muZimbabwe, VaJacob Zuma, vanotofanira kusunga dzisimbe.

VaZuma vari kutarisirwa kuita hurukuro naVaMugabe svondo rinouya kumucheto wemusangano weAfrican Union kuEquatorial Guinea.

Nyanzvi munyaya dzezvematongero enyika, VaCharles Mangongera, vanoti VaZuma vane mutoro mukuru pakugadzirisa nyaya yeZimbabwe.

Sangano rinoongorora mhirizhonga reZimbabwe Peace Project, kana kuti ZPP, rinoti mumatunhu akawanda akaita seMidlands, Manicaland, Mashonaland Central, Mashonaland East, neMasvingo, mhirizhonga iri kuramba ichienderera mberi.

ZPP inoti mashoko evamwe vakuru vemauto vakaita saBrigadier-General Douglas Nyikayaramba, ari kupawo kuti munyika musagadzikane. VaNyikayaramba vari kupika kuti VaTsvangirai havafe vakatonga nyika.

ZPP inoti Zanu-PF ndiyo iri kunyanya kukurudzira nekuita mhirizhonga.

XS
SM
MD
LG