Accessibility links

Breaking News

Gurokota RezveHutano Roti Harisi Kufara Nehuwandu Hwezvirwere Zvinokonzerwa Nekuputa Fodya


Gurokota rinoona nezve hutano, Dr Henry Madzorera, vanoti hurumende haisi kufara nenzira dziri kushandiswa nemakambani anogadzira nekutengesa fodya mukukwezva veruzhinji kuti vapute fodya iyo iri kukonzera zvirwere zvakawanda muvanhu.

VaMadzorera vanoti zvirwere zvinokonzerwa nekuputa fodya kana hutsi hunobva mufodya zviri kuwanda munyika kunyangwe hazvo paine mitemo yakadzikwa nehurumende mukuyedza kudzivirira izvi.

Vatiwo nzvimbo dzakaita semumabhazi, mumakombi nedzimwe dzvimbo hadzibvumidzwe kunge dzichiputirwa fodya uye pane mitemo inogona kusungisa avo vanoputa fodya mudzvimbo idzi. VaMadzorera vanoti makambani efodya haisi kuita zvakakwana kuzivisa veruzhinji njodzi dzinobva mukuputa fodya.

VaMadzorera vanoti chishanu chino hurumende ichange ine chirongwa kuBinga chekuedza kuburitsa pachena njodzi dzinobva mukuputa fodya. Chirongwa ichi, icho chiri pasi pedindingira rinonzi “anti smoking campaign” chichange chichaitwawo mudzimwe nzvimbo munyika.

Chirongwa ichi chiri kuitwa panguva iyo pasi rose riri kurangarira zuva rekusaputa fodya re World No Tobacco Day iro range ririko musi wa 31 Chikunguru.

XS
SM
MD
LG