Accessibility links

Breaking News

Gungano Rinomirira Vashandi Vemumigodhi Yokumbira Hurumende Kuti Iwongorore Huwandu Hwenguva Irikushandwa Nevashandi Vemumigodhi


Gurukota rezvemigodhi, vaObert Mpofu, vanoti hurumende iri kufara nebasa rakaitwa mukubatsira vanhu makumi mashanu pamugodhi weMimosa Platinum wekuZvishavane nezuro, zvichitevera kufa kwakanga kwaita mishina inotakura vashandi kubva mumugodhi ichivaendesa kunze.

Kufa kwemishina iyi kunonzi kwakakonzera moto nechihutsi izvo zvakakonzera kuti vaida kubatsira kuburitsa vashandi ava, vasaone mafambisiro ebasa zvakazokonzera kunonoka kweburitswa kwevashandi ava. VaMpofu vanoti hurumende ine mitemo yakasimba yekuchengetedza vashandi vemumigodhi. VaMpofu vanoti njodzi yanezuro yauya kwapfura nguva refu nekuti migodhi mizhinji yave kutevedzera mitemo yakadzikwa nehurumende yekuchengetedza hupenyu hwevashindi. Tsaona huru yemumigodhi yakapedzesera kuitika ku Hwange colliery mugore ra 1972 apo vashandi vanopfura mazana mana (400) vakarasikirwa nehupenyu.

Sangano rinomirira vashandi vemumigodhi, reNational Mine Workers Union, rinoti hurumende inofanirwa kugadzirisa nguva dzinoshandwa nevashandi vemimigodhi kuti vashandi ava vasashande kwemaawa masere vasina kuzorora sezvo izvi zvichizokonzera njodzi. Mutungamiri we sangano iri, va Shadreck Pelewelo, vanoti pari zvino basa richiri rakamira pamimosa mine sezvo mumugodhi uyu muchiri nehutsi. Va Pelewelo vanoti vaenda kuMimosa nhasi kunoona mamiriro akaita zvinhu uye vanofara nemabatirwo akaitwa tsaona yanezuro.

XS
SM
MD
LG