Accessibility links

Breaking News

Musangano we2012 AIDS Conference Unopinda Muzuva reChina muWashington


Mutungamiri weGlobal Power Women Network Africa, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wehurumende, Muzvare Thokozani Khupe, vanoti vari kufara nekuparurwa kwesangano re Pan African Positive Women’s Coalition, iro rinomirira konzero dzemadzimai emuAfrica anorarama neHIV/AIDS.

Muzvare Khupe vataura izvi pamusangano mukuru w International Aids Conference 2012 wapinda muzuva reChina muWashington.

Vachiparura sangano idzva iri, Muzvare Khupe vakurudzira madzimai kuti vakoshese hutano hwavo nekuenda kunoongororwa ropa ravo kuitira kuti vabatsirwe nguva ichiripo kana vaine HIV.

Muzvare Khupe vanoti dambudziko guru riri pakurwisa HIV/AIDS ndere kushandura mafungiro everuzhinji vanosema vane HIV/AIDS. Muzvare Khupe vanoti zvakakosha kudzidzisa veruzhinji makoshero akaita kupa rutsigiro kuvanhu vanorarama ne HIV/AIDS.

Mumwe wevanomirira sangano rePan African Women’s Coalition, Amai Tendayi Westerhof, vatiwo sangano ravo rakavambwa pamusangano mukuru we Global Power Network Africa wakaitirwa muZimbabwe muna Chivabvu.

Amai Westerhof vati shuwiro yavo ndeyekushanda nemadzimai nevanasikana vemuAfrica vanorarama ne HIV/AIDS.

Vachitaurawo pamusangano uyu, chipangamazano munyaya dzeHIV/AIDS musangano re UNICEF, Amai Chewe Luo, vatiwo zvakakosha kuti zvirongwa zvekurwisa dambudziko reHIV/AIDS zvitarise nekugadzirisa matambudziko anosangana nevana vadiki kuitira kuti vawane mukana wekurarama kusvika vakwegura.

Nhengo yeparamende inomirira Kwekwe, Va Blessing Chebundo, avo vari kumusangano uyu, vanotiwo zvakakosha kuti makurukota nenhengo dzeparamende vakokwe kumisangano yakadai nekuti ndivo vanozopakuririra veruzhinji vemunyika dzavo makoshero akaita kurwisa HIV/AIDS.

VaChebundo vanoti zviri kufadza kuti Zimbabwe iri kuremekedzwa nenyika dzakawanda nematanho avari kutora mukurwisa kupararira kweHIV.

Vachitaura neMuvhuru kumusangano uyu, gurukota rinoona nezvekudydzana kwe America nedzimwe nyika, Amai Hilary Clinton, vakarumbudza danho rakatorwa nenhengo dzeparamende muZimbabwe rekuchecheudzwa kwenhengorume dzedare iri.

VaChebundo mumwe wevanhu vakachecheudzwa muchirongwa chemuZimbabwe.

XS
SM
MD
LG