Accessibility links

Breaking News

Gungano Rine Dynamos neCaps Ndiro Chete Richatamba Makwikwi eChibuku Super Cup Svondo Rino: PSL


Dynamos neHighlanders
Dynamos neHighlanders

Premier Soccer League yakazivisa neMuvhuro mumashoko kuvatori venhau kuti svondo rino kune mitambo mitatu chete yeChibuku Super Cup muGroup One sezvo muine zvikwata zvakawandisa kudarika mamwe ose.

Mitambo iriko inoti: ZPC Kariba neCaps United, Dynamos neHarare City uye Herentals neYadah. Asi pamitambo yekupera kwesvondo chikwata cheNgezi Platinum Stars chiri kuramba chichishura mare uye chave pedyo nekupinda mumakotafainari emakundano aya.

Chikwata cheNgezi Platinum "Madamburo" chave nemapoinzi mapfumbamwe kubva mumitambo mitatu izvo zvavapinza pamusuwo wema kota fainari emukombe mukuru uyu.

Chikwata chaRodwell Dhlakama ichi chave kungoda poindi imwechete kubva mumitambo yacho mitatu yasara kuti chiwane tikiti rema kota fainari kubva mugungano reGroup 4.

Ngezi yakunda mumitambo yayo yese mitatu yayatamba uyezve yasiya FC Platinum nemapoinzi matatu.

Asi mushure mekutora mukombe weligi gore rapera, murairidzi weFC Platinum Norman Mapeza anofunga kuti vanotora mukombe weSuper Cup uyu.

Hwahwa neTriangle idzo dziri mugungano rimwechetero dzose dzine poindi imwechete.

Zvimwe zvikwata zvagara zviine mbiri zvirikutamba zvinodakadza mumakundano aya.

Highlanders neChicken Inn dzadongorerawo muma kota fainari umu mushure mekukunda mumitambo yadarika.

Highlanders yakarova Bulawayo City 1-0, Chicken Inn ndokudambura Bulawayo Chiefs 2-0 zvikwata izvi ndokupinda mumapoinzi manomwe.

Bulawayo Chiefs neBulawayo City dzese dzine poindi imwechete mugungano reGroup 2 iri.

Asi Caps United neDynamos dzakaita mangange 1-1, ndokupa Harare City mukana wekudimbura hutungamiri hwadzo mugungano ravo.

Harare City iyo yakarova Herentals 2-1 yave nemapoinzi matanhatu, yakaenzana neCaps United asi pasi peDynamos iyo ine mapoinzi masere.

Mubati wehomwe weDynamos VaWebster Marechera vanoti vakatora mukombe uyu mari yakawanda yacho ichatambidzwa vatambi kuti vagovane.

Mukuru wekumahofisi echikwata chimwechetecho VaJonathan Mashingaidze vanoti imwe yemari yacho ichapa chikwata chavo pekutangira panotanga mitambo yeligi.

Asi ichi chishuwiro chavo veDembare panguva iyo Cranbourne Bullets irikudawo mukombe uyu.

Chikwata chinorairidzwa naNesbert Saruchera ichi chave pamusoro pegungano reGroup 3 nepoindi imwechete pamusoro peBlack Rhinos neTenax idzo dzine mapoinzi mana.

Cranbourne ine mapoinzi mashanu mushure mekuita mangange 2-2 neTenax nezuro.

Black Rhinos yakarohwa 2-1 neManica Diamonds neMugovera.

Mitambo yesvondo rino ichabuditsa pachena zvimwe zvezvikwata zvichapinda muma kota fainari.

Zvichakadaro, Mutambi wemuZimbabwe Washington Arubi ndiye atambidzwa mukombe weNedbank Player of the Year kuSouth Africa.

Kuve mutambi akakunda vese mumakundano emukombe uyu Arubi atambidzwa mari inoita iyo zviuru zana nemakumi mashanu zvemadhora ekuSouth Africa emaRands.

Arubi achiri nechishuwiro chekutambira zvekare chikwata cheZimbabwe Warriors.

Nyaya Ina Michael Kariati
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG